Accessibility links

Breaking News

Chiedza Brown, Mwana waChiwoniso Maraire naAndy Brown Anoshaya

chiwoniso
chiwoniso

Chiedza Brown, mwanasikana wevaimbi vakashay makore apfura, Chiwoniso Maraire naAndy Brown akashaya kuTexas muno muAmerica nemusi weMugovera.

Chiedza ange ave nemakore gumi nemashanu chete ekuberekwa. Mhuri yekwaBrown neyekwaMaraire dzinoti Chiedza ainge ari muimbi sevabereki vake uye aigona zvekupenda.

Mhuri mbiri idzi dzinoti mufi acharadzikwa kuZimbabwe uye dzichiri kuronga kuti vanenge vachida kubatsira kuvigwa kwake voita sei.

Asi parizvino mhuri mbiri idzi dzinoti dzinoda kumbopihwa nguva yekuchema Chiedza murunyararo.

This item is part of
XS
SM
MD
LG