Accessibility links

Breaking News

VaPaul Gundani Vanoshaya muKwekwe


Paul Gundani
Paul Gundani

Munyori mukuru wesangano re Footballers Union of Zimbabwe, FUZ, Va Paul Gundani, vashaya muKwekwe neChitatu masikati mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Asi hazvisati zvozivikanwa kuti zvinhu zvafamba seyi.

Mashoko ari kubva kusangano re FUZ anoti VaGundani vashaira kuTopomasi Private Hospital muKwekwe.

Sangano iri rinotiwo kushaya kwavo kwasiya buri guru richanetsa kuvhara sezvo vange vane chido chekubatsira vatambi venhabvu.

VaGundani vakambotambira chikwata che Zisco Steel, vakatambirawo ma Young Warriors, ndokutambira ma Warriors panguva iyo chikwata ichi chaizivikanwa nerekuti “Dream Team” vachirairidzwa namuchakabvu Reinard Fabisch.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mu FUZ, Muzvare Marlene Gadzirayi, vanoti vakatyamadzwa zvikuru nekunzwa kuti VaGundani vashaya sezvo vakataura navo neChipiri.

"Ndarwadziwa zvikuru sezvo ndakataura navo nezuro uye taitoronga kuti basa rofambiswa seyi. Asi ndazonzwa nhasi kuti vashaya asi pari zvino handisati ndaziva kuti chiyi chadya VaGundani," Muzvare Gadzirayi vaudza Studio7.

Muzvare Gadzirayi vanoti nyika yarasikirwa negamba guru munyaya dzenhabvu. Muzvare Gadzirayi vanotiwo hapasati pave nehurongwa hwekuradzikwa kwaVaGundani sezvo vakamirira kunzwa kubva kumhuri yavo kuti vacharadzikwa riini.

Sangano re Zimbabwe Football Association (ZIFA) razivisa padandemutande kuti rarwadziwa nekushaya kwaVaGundani uye richamira nemhuri iyi muzvirongwa zvavo zvese zvekuradzika mufi.

Vanowona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reZIFA, Va Xolisani Gwesele, vanoti kushaya kwaVaGundani kwarwadza nyika yose uye zvichanesta kuwana munhu ane rudo nenhabvu semufi.

"Tinoti zorora murugare Paul Gundani," VaGwesela vanyora pawebsite ye ZIFA vachinyaradza mhuri yemufi.

Hurukuro Na Muzvare Marlene Gadzirayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG