Accessibility links

Breaking News

Vateveri veMitambo Vochema neKusavhurwa kweMitambo Yavo


Zimbabwe Mighty Warriors Soccer Women
Zimbabwe Mighty Warriors Soccer Women

Vateveri vemitambo vanoti havasi kufara nedanho rehurumende rekusabvumidza kutangwa kwemitambo munyika zvichitevera kunyevenutswa kwakaitwa zvinhu nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vateveri vemitambo ava havasi kufara nedanho iri vachiti zvikwata zvemitambo yakaita senhabvu zvanga zvichifanira kupihwawo mukana wekudzokera munhandare.

Chiri kunyanyovarwadza ndechekuti hurumende yavharira panze mitambo iyi asi ichitendera magungano evanhu vanosvika makumi mashanu izvo vanoti zvinotove nenjodzi yakanyanya mukupararira kweCovid 19.

Munyori wezvemitambo, Leopold Munhende, ari kubvunza kuti mitemo yeWorld Health Organization iri kuteverwa neZimbabwe yakasiyana here neiri kushandiswa nedzimwe nyika sezvo muZimbabwe musina nhabvu kune dzimwe nyika ichibaka moto.

Hurumende yatendera mitambo isina kusangana kwakanyanya yakaita setenesi, kiriketi, mijaho yemabhiza, yemotokari, neyemabhasikoro, kumhanya, kutuhwina, nemitambo yepfuti, asi yaramba kudzora nhabvu, netsiva mudzinhandare.

Aimbotambira Arcadia United neBlack Aces, Danny Jimu, anoti ari kudawo kuziva chikonzero chaita kuti hurumende irambe kudzora mutambo wenhabvu.

Asi gwaro rabva kuhurumende rinoti vachatendera chete nhabvu kutambwa zvekare kana zvikwata zvemuno zvabubitsa hurongwa hwakadzama hunoratidza kuti zvinokwanisa kuzvidzivirira zvakakwana kubva mukupararira kweCovod 19.

Mimwe mitambo isina kusangana kwakanyanya yatenderwa kudzoka iPolo, archery, triathlon, rowing, badminton, tsoro negorofu, kwete volleyball kana basketball.

Mumiririri weWorld Boxing Africa Association muZimbabwe, VaGilbert Munetsi, vanoti kusatambwa kwetsiva munyika kuchaita kuti vatambi vemuno vatorerwe mabhande avanawo sezvo pane nguva yakatarwa yekuadzivirira.

Mutambo waCharles Manyuchi wekudzivirira bhande rake reWorld Boxing Organisation wanga uchifanira kuitwa muHarare mangwana, asi wambomiswa.

Manyuchi anga achifanira kurwa naMahomed Sebyala wekuUganda vachirwira zvekare bhande reWorld Boxing Africa Association.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG