Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Inoenda paNhongonya yeCastle Lager Premier League


Chikwata chenhabvu cheFC Platinum

Chikwata chine mukombe weCastle Lager Premier Soccer League, cheFC Platinum, chave pamusoro pemakundano ezvikwata gumi nezvisere aya.

Kana pane vaive nemibvunzo yekusimba kweFC Platinum Stars, vave nemamwe mafungiro mushure mekunge Kugona Kunenge Kudada yakarova Ngezi Platinum Stars 2-1 ndokupinda panhongonya yetafura yeCastle Lager Premier Soccer League.

Zvikwata zviviri izvi zvaive zvakaenzana pamapoinzi makumi matatu nemasere mutambo uyu usati watambwa asi kukunda uku kwapinza chikwata chaNorman Mapeza pamapoinzi makumi mana nerimwechete, mapoinzi matatu pamusoro peNgezi Platinum Stars.

Chimwe chezvikwata zviviri izvi ndicho chiri kutarisirwa kutora mukombe mukuru uyu asi muongorori wemutambo wenhabvu VaTatenda Makazhu vanoti semaonero avo, FC Platinum yatoenda.

VaMakazhu vanoti chikwata chinotora mukombe chinoonekwa nekurova zvikwata zvavari kukwikwidzana nazvo izvo vanoti pari zvino zvaitwa neKugona Kunenge Kudada.

Chimwe chikwata chiri kutarisirwa kurwira mukombe uyu cheHighlanders chakapunzirwa pasi mukupera kwesvondo apo chakarohwa 1-0 nevavakidzani vacho veBulawayo Chiefs.

Asi Dynamos haina kutora nzira yakadaro mushure mekufamba ndokunorova Mutare City Rovers 1-0 kuVengere Stadium kwaRusape.

Kukunda uku kwasiya Dynamos yave pachinhanho chegumi nenhatu mumakundano ezvikwata gumi nezvisere aya.

Kukunda uku kwauya mushure mekuregedza basa kwemutungamiri wechikwata ichi veKeni Mubaiwa uyezve murairidzi wavo Lloyd Mutasa ari kuSouth Africa nechikwata chemaWarriors icho chakatora mukombe weCosafa Cup

Muteveri weDembare VaEvans Chasakara vanoti chinangwa chavo ndechekupedza vari pazvikwata zvina zvepamusoro vachiti ivo zvemukombe zvinenge zvaramba.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi…

Shabanie 1 Black Rhinos 2

Yadah 3 Chapungu 0

Nichrut 0 Triangle 1

Caps United 1 Bulawayo City 0

Chicken Inn 2 Herentals 0

ZPC Kariba 0 Harare City 0

Kwatambwa mitambo gumi neminonwe, zvikwata zvina zviri pamusorosoro ndeizvi…

FC Platinum 41 points

Ngezi Platinum 38 points

Triangle 29 points

Highlanders 29 points.

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi…

Nichrut 13 points

Chapungu 13 points

Shabanie Mine 12 points

Bulawayo City 11 points.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG