Accessibility links

Breaking News

Dynamos Inogwadamiswa neHighlanders Pamusha muMutambo wePSL


Vatambi vechikwata cheDynamos FC

Highlanders yarova Dynamos mumutambo we ‘Battle For Zimbabwe,’ izvo zvaita kuti chikwata cheDembare, icho chinozviti chine vatsigiri mamiriyoni manomwe, chidonhe kudzika pedyo netsoka dzegungano rePSL.

Highlanders yakunda mumutambo wekutanga weBattle For Zimbabwe mushure mekurova Dynamos 1-0 nechibodzwa chabva kuna Ozias Zibande maminitsi makumi mana nemashanu mutambo vatambwa.

Kukunda uku kwasiya Highlanders yave pachinhanho chechitatu pamakundano eCastle Lager Lager Soccer pasi peNgezi Platinum Stars ne FC Platinum.

Dynamos yatora poindi imwechete kubva mumitambo mina yayatamba zvekuti bhera rave kurira kuti zvinhu hazvina kumira zvakanana pakasaitwa shanduko mumatambiro ayo nekukasika.

Muteveri weDynamos, VaMichael Bundo, vanoti murairidzi wavo Lloyd Mutasa anofanira kugadzirisa chikwata chavo.

Dynamos yadzikira kusvika pachinhanho chechishanu kubva pasi zvekuti kune vamwe vanofunga kuti Dembare ikaramba ichitamba zvakadai mumitambo yayo inotevera inogona kusazokwanisa kusimuka, zvekuti inogona kuzoenda kuDivision One.

Asi vamwewo ndivo vanoti Dynamos ikapedza iri pasi kunowedzera zvikwata muPremier Soccer League kudzivirira chikwata chine chaunga ichi kuti chisabuda mugungano guru iri. Asi aka hakasi kekutanga Dembare ichitatarika mumitambo yayo yekutanga, asi ichizomuka zvekurwisa kutora mukombe.

Mumwe mutambo wanhasi wapera seizvi,

Herentals 0 - Yadah 0

Mitambo yehorodzi ye Chashanu yakapera seizvi..

Bulawayo Chiefs 1 Chapungu 0

Black Rhinos 0 Caps United 2

Shabanie 2 Nitchrut 2

Highlanders 0 Triangle 0

Yadah 3 Black Rhinos 1

Chapungu 1 Harare City 1

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG