Accessibility links

Breaking News

Caps United Inodzora Machapa kuChikwata Kuti Atsive Zvirekwi Uyo Akakuvara


Mutambi weCaps United achidzivirira kuti asatorerwa bhora
Mutambi weCaps United achidzivirira kuti asatorerwa bhora

Caps United yashevedza Oscar Machapa uyo yaive yamboramba kuti atsive Hardlife Zvirekwi uyo akakuvara munjodzi yemotokari.

Machapa apinzwa pavatambi makumi matatu avo vachange vachitambira maGreen Machine mushure mekunge ambonzi aive asingakodzere kupfeka nhumbi dzemaGreen Machine apo Caps United yakaita sarudzo yevatambi vayo vemwaka uno.

Asi kukuvara kwakaita Zvirekwi munjodzi yemotokari neMuvhuro kwavhurira mutambi uyu musuwo mushure mekudzoka kumaGreen Machine ambosiya chikwata ichi achienda kuDemocratic Republic of Congo uko anga achitambira chikwata cheAS Vita.

Asi mumwe mutungamiri weCaps United, VaAbraham Kawadza, vanoti havasi kukanda mapfumo pasi munyaya dzaZvirekwi vachiti ivo vane tarisiro yekuti kaputeni wavo achadzoka munhandare apo mitambo ichasvika munharaunda yechipiri.

Kana akanaya, Zvirekwi anokwanisa kunyoreswa neCaps United nevePSL panovhurwa nguva yekunyoresa vamwe vatambi zvinoitwa gore rega rega kubva musi wa 1 kusvika musi wa 31 Chikunguru.

VaKawadza vanoti nzvimbo yekunyoresa Zvirekwi nevePSL munharaunda inotevera yakachengetedzwa, uye vachange vachiongorora mafambiro ekunaya kwake kuti vaone kuti anokwanisa here kubatsira chikwata ichi kutora mukombe weligi zvekare.

Asi aimbotambira chikwata cheChegutu Pirates, Peter Matore, anoti achitarisa mifananidzo yaZvirekwi mazuva mashoma kwaitika tsaona iyi, hapana chinomutadzisa kudzoka munhandare zvekare sezvo ruoko rwake rwusina kudamburwa nhengo refu.

Zvirekwi akadimburwa chanza mushure menjodzi iyi aibva kumabiko aive aitirwa kuMotor Action Sports Club.

Mutambi uyu ndiye akasarudzwa kuve Soccer Star of the Year muna 2016 apo maGreen Machine akatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League.

Pakasarudzwa Rodwell Chinyengere kuve Soccer Star of the Year wa 2017, Zvirekwi akaudza Studio7 nezvenguva yake ari Soccer Star of the Year.

Mutungamiri weZimbabwe Football Association, VaPhillip Chiyangwa, vazivisa kuti vari kuzvipira kubatsira Caps United kuona kuti Zvirekwi arapwa zvakakwana.

Zvichakadaro, vanoronga mitambo yetsiva VaBoris Zneider varonga machikichori emitambo ayo achaitirwa muMagamba Hall mumusha weWarren Park muHarare neMugovera.

VaZneider vanoti pachange pane mitambo gumi nemina yekurwira mabhande eZimbabwe achasanganisa vatambi vane mukurumbira vakaita sa Tinashe Madziwane, Patiance Masitara, Colin Mavhundutse, Simon Madangure, Monalisa Sibanda, Tapiwa Tembo, Enock Msambudzi, Thembani Mhlanga,

VaZneider vanoti vari kuitira mitambo iyi munzvimbo dzinogara veruzhinji uyezve ichionekwa pasina muripo sezvo vari kuedza kusimudzira mukurumbira waimbove nemutambo uyu mazuva ekare.

VaZneider vanoti vachibva muWarren Park, mitambo inotevera ichaitirwa kuBudiriro.

Mutambo wetsiva wadzikira zvikuru munyika uyezve hauchateverwa nechaunga sezvawaimboitwa kare.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG