Accessibility links

Breaking News

Vatambi VeTeam Zimbabwe 2016 Paralympic Vodzokera Kumusha Vasina Menduru


Vamwe vanorarama nehurema vange vari kumakwikwi aya.
Vamwe vanorarama nehurema vange vari kumakwikwi aya.

Vatambi vemuZimbabwe vema2016 Paralympic Games vari kudzoka kumusha vari maoko chete. Mutori wedu wenhau dzemitambo.

Vatambi vaviri vanga vasara kukwikwidza mumakundano aya ve Mixed Four, Margaret Bangajena, Michelle Garnet, Jesicca Davies na Previous Wiri nezuro vakapedza vari pachinhanho chekugumisira mugungano ravo.

Vatambi ava vakatevera Laina Sithole uyo neMugovera akatadza kusvika mufainari ye 100 metres T35 ayo aive makundano ake ega aaikwikwidza.

Sezvakaitawo chikwata cheZimbabwe kubva kumaOlympic Games chisina menduru, chikwata ichi chiri kudzokawo chisina kana menduru imwechete.

Mumitambo yeCastle Lager Premier Soccer League chikwata cheHighlanders chiri mumafaro makuru mushure mekudzokorora kurova Dynamos 2-1mumutambo wanga wakaoma muBarbiurfields Stadium nezuro.

Aka kave kechipiri Highlanders ichi kunda Dynamos mwaka uno wenhabvu mumitambo yeligi, kanove kechipiri zvekare mukati memakore gumi Bosso ichikwanisa kukunda Dembare.

Kukunda uku kwasiya Bosso yasara nemapoinzi gumi pasi pechikwata chiri kutungamira cheFC Platinum icho chakarova How Mine 1-0 munhandare yeMandava.

Mutsigiri weBosso VaDannboy Hamandishe vanoti vangadai vakakunda nezvibodzwa zvakawanda asi zvakangodaro varatidza kuti vanhu vakuru.

Mumwe wavo VaTichaona Jecha vanoti murairidzi wawave naye ibanga chairo vachiti zvinhu zvasanduka.

Kugona Kunenge Kudada yave nemapoinzi makumi mana nemasere kubva mumitambo makumi maviri nemitatu.

Asi Bosso yave nemapoinzi matanhatu pamusoro peDynamos iyo nemamiriro akaita zvinhu yave kuratidza kuti yabuda mumakwikwi emukombe weligi.

Asi Makepekepe aramba arimo muhondo yeligi mushure mekurova Chicken Inn 1-0. Kunyange hazvo chikwata ichi chaibaka moto hachina kukwanisa kunwisa zvibodzwa zvakawanda kunze kwechimwechete chakabva kuna Leonard Tsipa.

Chikwata chemaGreen Machine chakatamba zvine mutsindo zvekuti mumwe muteveri wechikwata ichi Charles Muroyiwa anoti vanoisa mari muchikwata ichi vanotsvaga neshungu nematambiro aya.

Asi maGreen Machine ari kuramba aiine poindi imwechete pasi peFC Platinum iyo yakarova How Mine. Musi mumwechete iwoyo, Hwange neZPC Kariba dzakaita mangange 1-1.

Ngezi yakadambura Bulawayo City 1-0, Tsholotsholo ikakunda Border Strikers 1-0 asi Chapungu yakanwisa zviviri pakukunda Harare City 2-1.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG