Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeTsiva neNhabvu Yotsviriridza Mugovera neSvondo


FILE - In this Feb. 12, 2017 photo, a young boy is knocked out during a boxing match in Chitungwiza, Zimbabwe.
FILE - In this Feb. 12, 2017 photo, a young boy is knocked out during a boxing match in Chitungwiza, Zimbabwe.

Vateveri vezvemitambo munyika vatarisana nemachikichori emitambo mukupera kwesvondo kubva kutsiva kusvika kunhabvu.

MuHarare Gardens muchange mune mitambo yetsiva apo mabhande ese gumi emuZimbabwe achange ari patafura achirwirwa.

Vari kuronga mitambo iyi, VaStalin Mau Mau, vanoti vari kutarisira chaunga chinotyisa sezvo makundano aya ari kuitwa pasina mubhadharo kune veruzhinji.

Aka ndiko kekutanga muZimbabwe nemuAfrica yese kuti mabhande ese emunyika arwirwe munhandare imwechete, musi mumwechete mutambo mukuru uri uyo weheavyweight pakati paVincent Muziri na Colin Nyamazhizhi

Mitambo iyi iri kusanganisirawo zvekare mabhande evanhukadzi, sekutaura kwaVaMau Mau.

Zuva rimwechetero maWarriors achange ari munhandare yeStade Des Martyrs muKinshasa kuDemocratic Republic of Congo mumutambo wavo wechitatu we 2009 Africa Cup of Nations.

MaWarriors ari kutungamirwa naKnowledge Musona uyezve mutambi weNottingham Forest, Tendai Darikwa, ari kutarisirwa kutambira nyika kekutanga mushure mekutambidzwa pasipoti yake yemuZimbabwe.

Mashoko ari kubva kuDRC anoti vatambi vemuZimbabwe vari kufara zvikuru mushure mekubatwa zvakanaka munyika iyi.

NeSvondo mutambo mukuru wenhabvu weHarare Derby uri pakati peCaps United neDynamos muRufaro Stadium.

Mutambo uyu wauya panguva iyo hupenyu hweDembare hwakamira netambo muPSL umo iri pachinzvimbo chezvikwata zvakatarisana nekubuda mugungano iri.

Dynamos iri pachinhanho chegumi neshanu, chinzvimbo chinoita kuti itambe muDivision One mwaka unouya ikasakwira kubvapo, panguva iyo Caps United iri pachinhanho chechishanu.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu, Va Innocent Mutena, vanoti panguva yeHarare Derby mamiriro kana matambiro anenge achiita zvikwata izvi mutambo uyu usati wasvika, haana basa.

Pakapedzisira kusangana zvikwata izvi musi wa 22 Kubvumbi, Dynamos yakarohwa 1-0 apo Denver Mukamba akamuka chibhebhenenga asi Mukamba ave kuDynamos kunyange hazvo asiri kutarisirwa kutamba neSvondo.

Asi mutsigiri weDynamos, VaTatenda Makazhu, vanoti kunyange hazvo chikwata chavo chiri kutatarika, paCaps United ndipo pavachasimukira.

Asi VaTudmund Goredema, avo vanotsigira Makepekepe, vanoti chishuwiro chavo kuti maGreen Machine akunde.

Zvikwata izvi zviri kusanga mushure mekunge Dynamos yakarova Yadah 5-4 nemapenereti Caps United ichibuditsawo Chapungu 4-3 nemapenereti zvekare muChibuku Super Cup.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG