Kune vanoita zvemitambo vakawanda, nguva yezororo reKisimisi inguva yekuonana nehama neshamwari, vamwe vachitorawo mukana uyu kuita zvakasiyana siyana.
Asi gore rino panguva iyo vamwe vari kushanyira hama neshamwari mushure megore rese vasingaonane, murairidzi weFC Platinum, Lizwe Sweswe, nechikwata chake havasi kuwana mukana wakadai sezvo vanenge vari muCairo, kuEgypt, mumutambo wavo nechikwata cheAl Ahly mumakwikwi eCaf Champions League.
Uyu unenge wave mutambo wechitatu weFC Platinum mumakwikwi aya, mushure mekurohwa 2-1 neAl Hilal yekuSudan mumutambo wekutanga, vachizokundwa zvakare 3-0 neEtoile duSahel yekuTunisia.
Sweswe anoti vachange vari pabasa vachishanda vachitarisarirawo kuti kisimisi ichavapa rombo rakanaka rekukunda mushure mekurohwa mumitambo yese miviri yavatamba mumakwikwi aya.
Mumwe murairidzi wenhabvu, Darlington Dodo weCaps United, anoti mushure mekutadza kutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League, ino ndiyo nguva yekugadzirisa paive pasina kumira zvakanaka.
Asi mukuru wekumahofisi eZimbabwe Olympic Committee, Muzvare Anna Mguni, vanoti vakananga kumusha kwavo kunoona hama neshamwari idzo vasina kuona kwenguva refu.
Mutambi webasketball, Nyarai Musambudzi, ane hurongwa hwakafana nehwaMuzvare Mguni asi iye anenge akananga kuMasvingo
Murairidzi wechikwata cheTriangle, Taurayi Mangwiro, anoti kwaanoshandira kure nekunogara mhuri yake zvekuti panguva ino zvenhabvu zvave kumbomira achipa nguva kumhuri yake.
Izvi ndizvo zviri muhurongwa zvekare hwemutambi wechikwata chenyika chenetball, icho chakaita mukurumbira kuWorld Cup, Ursula Ndlovu, uyo anoti nguva yakawanda yakapera ari mukamba zvekuti ikozvino achange aine hama neshamwari dzake kuBulawayo vachifara pamwe chete.
Asi sachigaro weZimbabwe Volleyball Association, VaRingisai Mapondera, vanoti hapana chinodarika mutambo weVolleyball paKisimisi.
VaMapondera vanoti vachange vakaungana nehama neshamwari pamba pavo muHarare vachitamba mutambo uyu mukupemberera kwavo nguva ino.
Kune vamwewo vakaita saVaMapondera kusanganisira mutambi wetsiva, Charles Manyuchi, avo vari kuti vari kutora nguva ino kugadzirira zvakasimba mitambo yavo yemwaka unotevera vachitarisira goho rakasimba gore rinouya.
Asi vezvemitambo neZimbabwe yese vari kupinda muzororo panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemari, dambudziko riri kuratidza kuti hurumende iri kukundikana kurigadzirisa.
Facebook Forum