Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheFC Platinum Chorembera neTambo muMakwikwi eCaf Champions League


Chikwata cheFC Platinum chakaita mangange 1-1 nechikwata che Al Ahly chekuEgypt zvakasiya chiine poindi imwechete.
Chikwata cheFC Platinum chakaita mangange 1-1 nechikwata che Al Ahly chekuEgypt zvakasiya chiine poindi imwechete.

Chikwata chenhabvu cheFC Platinum chamira netambo mumakwikwi eCaf Champions League nepoindi imwechete chete mumitambo mina, asi vaongorori vemutambo wenhabvu vanoti izvi zvinoratidza chaipo pakamira nhabvu yemuZimbabwe, kwete kunyeperana kuti iri kusimuka.

Izvi zvauya mushure mekunge chikwata ichi chakaita mangange 1-1 neAl Ahly yekuEgypt mumutambo wakatambirwa kunhandare yeBarbourfields kuBulawayo neSvondo.

Izvi zvasiya FC Platinum ichiri pasi pasi pegungano rezvikwata zvina iri nepoindi imwechete chete kubva mumitambo mina.

Chibodzwa cheFC Platinum chakabva kuna Stanley Ngala mumaminetsi gumi nemapfumbamwe, kuchitiwo cheAl Ahly chichibva kuna Marwan Mohsen mumineti yechimakumi mashanu nembiri.

Etoile du Sahel yekuTunisia, iyo yakarova Al Hilal yekuSudan 2-1 ndiyo iri kutungamira gungano iri nemapoinzi mapfumbamwe ichiteverwa neAl Ahly iyo ine mapoinzi manomwe.

Al Hilal ine mapoinzi matanhatu, mapoinzi mashanu pamusoro pe FC Platinum. Pamusoro pezvo, FC Platinum yanwisa zvibodzwa zviviri chete mumitambo mina, iyo ichikandwa zvibozwa zvisere.

Mamiriro aita zvinhu aya ari kuratidza kuti “Kugona Kunenge Kudada” yave kuda mashiripiti kana mashura chaiwo kuti irambe iri mumakwikwi aya sezvo zvimwe zvikwata zviviri zvatova nemapoinzi anosvika kana kudarika manomwe.

Matambiro ari kuita chikwata ichi asimudza mibvunzo yakawandisa muvateveri venhabvu kuti nhabvu yezvikwata muZimbabwe yakananga kupi kana chikwata chiri kurura munyika chichikurirwa zvinotyisa sezviri kuitika izvi.

Aimbotambira Caps United, Charles Manjera, anoti matambiro eFC Platinum ndiwo mwero wenhabvu yemuZimbabwe sezvo Kugona Kunenge Kudada iri kungodzirova muCastle Lager Premier Soccer League.

Mumwe muteveri wemutambo wenhabvu VaGodknows Jejeje vanoti veruzhinji havafanire kushora FC Platinum mumatambiro avakaita mumitambo mitatu iyi sezvo zvichiratidza mamiriro enhabvu munyika mumo.

Gore rapera, FC Platinum ndiyo yakabuda nemapoinzi mashoma- shoma mu mini league stage ye Caf Champions League kubvira muna 1980 apo zvikwata zvemuZimbabwe zvakatanga kutamba neve kune dzimwe nyika apo vakabuda nemapoinzi maviri chete kubva mumitambo mitanhatu.

Chimwe chikwata chakatatarika iMonomotapa muna 2009 asi chikwata ichi chakabuda nemapoinzi matatu mumitambo yacho.

Akambotambira Dynamos neFire Batteries, Tineyi Chamunorwa, anoti kusvika mu mini league stage chete kunoratidza kugona kweFC Platinum achiwedzera iye kuti kurohwa kwayave kuitwa kunoratidza kuti nhabvu yemuno haisati yasvika zvekukwikwidza zvakasimba padanho iri.

Asi vamwewo vakaita semuteveri weDynamos VaAlphios Kacheche, vanoti kutamba kwavo muCaf Champions League kuri kupa FC Platinum gadziriro yakasimba yemakundano emuZimbabwe ayo vanofuga kuti FC Platinum inokunda zvekare gore rino.

FC Platinum ndiyo yakatora mukombe we 2019 Castle Lager Premier Soccer League mushure mekurova Caps United 1-0 mumutambo wekugumisira ndokupedza iine mapoinzi matatu pamusoro peChicken Inn.

Kugona Kunenge Kudada ndiyo zvekare yakatora mukombe weligi uyu muna 2017 na 2018, zvichiratidza hushasha hwayo munhabvu yemunyika.

Chikwata ichi, icho chave kurairidzwa naHendrik Pieter de Jongh, uyo aimborairidza Highlanders, chichange chichimirira nyika zvekare mumakwikwi eCaf Champions League emakundano a2020.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG