Accessibility links

Breaking News

Murairidzi weDynamos, Chigove, Anoti Haasati Agutsikana neChikwata Chake


Chigove anoti achiri mubishi kuumba chikwata chake cheDynamos F.C.
Chigove anoti achiri mubishi kuumba chikwata chake cheDynamos F.C.
Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Murairidzi wechikwata chenhabvu cheDynamos, Lloyd Chigove, anoti haasati apedza kuvaka chikwata chake chemwaka uno kunyange hazvo Dembare yakarova maGreen Machine eCaps United 2-0 mumutambo weCharity Challenge Cup wakatambwa muHarare neSvondo.

Dynamos yakarova Caps United 2-0 mumutambo weCharity Challenge Cup uyu ndokutambidzwa mukombe nemari inoita iyo zviuru makumi maviri zvemadhora, asi murairidzi wavo Lloyd Chigove haana kugutsikana.

Chigove anoti chikwata cheDembare chakaonekwa nezuro hachisati chapedza kuvakwa achiwedzera iye kuti veruzhinji vachaona Dynamos yakasimba uye yakasiyana zvikuru neyavakaona mwaka wapera.

Chigove anoti panotanga mitambo yeligi Dembare inenge yagadzirira zvakasimba, kunyanya vatambi vatsva.

Zvibodzwa zvanezuro zvakabva kuna Edward Sadomba naNgandu Mangala zvakaona Dynamos ichi kunda mumutambo uyu, uyo wakaunganidza chaunga chinotyisa munhandare yeNational Sports Stadium.

Sadomba, uyo akatamba kuLibya nekuSudan, anoti ari kufara nematambiro aakaita nezuro achiti iye nhabvu pasi rese haineyi nemakore.

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kutanga musi wa 30 Kurume apo Dynamos iri kusangana neMushowani Stars.

Tisati tasvika ipapo, veruzhinji vachange vaona chikwata chenyika chemaWarriors chichisangana neCongo Brazzaville mumutambo we 2019 Africa Cup of Nations muNational Sports Stadium zvekare musi wa 24 Kurume.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG