Makundano ezvikwata zvekiriketi zvemuno, eT20 emwaka uno ari kupfungaidza hutsi mangwana asi musina vateveri vemutambo uyu munhandare.
Vateveri vemutambo uyu vachange vari mudzimba dzavo apo makundano ezvikwata zvishanu aya ari kusimuka muHarare Sports Club mangwana.
Mutauriri weZimbabwe Cricket VaDarlington Majonga vanoti mitambo iyi iri kuvharira kunze vateveri senzira yekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere chanetsa cheCovid 19.
Asi vatambi vese vane mukurumbira kusanganisira Regis Chakabva, Richmond Mutumbami, Tendai Chisoro, Richard Ngarava, Donald Tiripano, Shingi Masakadza, John Nyumbu, Luke Jongwe, Ainsley Ndlovu, naTinotenda Mutombodzi vachange vari muzvikwata zvavo vachitarisira kuonekwa kuti vashevedzwe muchikwata chenyika.
Zimbabwe iri kugadzirira kusangana nePakistan mumitambo yemaTests neyemaT20 iyo iri kutanga muHarare Sports Club musi wa 21 mwedzi uno.
Muteveri wemutambo uyu VaLawrence Hwekwete vanoti mashoko anofadza kuti kiriketi yadzoka munhandare muZimbabwe zvekare.
VaMajonga vanoti mitambo yemaT20 iyi iri kutanga mangwana apo Mountaineers iri kusangana neEagles pachizouya mumwe mutambo pakati peTuskers ne Rhinos.
Zvikwata zviri mudariro mumakwikwi aya iTuskers, Eagles, Rhinos, Mountaineers neSouthern Rocks iyo yakatora mukombe weLogan Cup wemwaka uno.
Totarisa mutambo wenhabvu. Vanotungamira nhabvu munyika veZIFA vazivisa kuti Zimbabwe ichange iine chikwata mu2022 Caf Champions League kunyange hazvo munyika musina nhabvu yeligi iyo inobuditsa chikwata chinokodzera kutamba mumakwikwi aya.
Makundano eCaf Champions League anokwikwidzwa nezvikwata zvinotora mukombe weligi munyika yega yega.
Mutauriri weZIFA VaXolisani Gwesela vaudza Studio 7 kuti veZIFA vachagara pasi kusarudza chikwata chavanoda ivo kuti chitambe mumakwikwi aya.
FC Platinum ndiyo yanga ichimirira Zimbabwe mumakundano aya makore matatu apfuura.
Facebook Forum