Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheZimbabwe Baseball Chinopa Basa kuMurairidzi wekuJapan


Zimbabwe iri pachinzvimbo chetatu mumutambo weBaseball muAfrica.
Zimbabwe iri pachinzvimbo chetatu mumutambo weBaseball muAfrica.

Zimbabwe Baseball Association yakapa basa murairidzi wekuJapan kuti abatsire kusimudzira mutambo uyu mune vechidiki nemunzvimbo dzinogara veruzhinji.

Murairidzi uyu Yousuke Takahara achange ari muZimbabwe kwemakore maviri anotevera nechinangwa chekusimudzira mutambo uyu mune vechidiki nemunzvimbo dzinogara veruzhinji.

Nhengo yebhodhi reZimbabwe Baseball Association VaWinmore Mubariri vanoti Takahara achave zvekare nemutoro wekudzidzisa basa varairidzi vemuno avo vachazoenderera mberi nekusimudzira mutambo uyu kana adzokera kumusha kwake.

VaMubariri vanoti zviri zvemari yemuhoro yaTakahara zvakagadziriswa kunyange hazvo paine mamwe matambudziko avari kusangana nawo.

Vanoti Takahara achange zvekare achibatsira chikwata chenyika icho chiri kuda kusimuka kusvika pamusoro -soro muAfrica kubva pachinhanho chechitatu apo chiri pasi peSouth Africa neUganda.

Kunyange hazvo chikwata chenyika ichi chiri pachinhanho chepamusoro ichi mutambo uyu hausati wapfumbira senhabvu, netball kana kiriketi munyika muno.

Izvi VaMubariri vanoti zviri kukonzereswa nekushaikwa kwemari yekuita hurongwa hwavo hwebudiriro zvakakwana.

Ikozvino, chikwata cheZimbabwe chebaseball chiri pachinzvimbo chemakumi mana nenomwe pasi rese.

Asi Zimbabwe haisati yakwanisa kubudirira kuenda kumaOlympic Games kubvira muna 2008 apo mutambo uyu wakaparurwa kumakundano aya kuTokyo.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG