Accessibility links

Breaking News

Gore ra2018 Rakave Gore Raive Nezvose, Kufara neKusuwa


Muzvare Kirsty Coventry vakasarudzwa kuve gurukota rezvemitambo netsika muna 2018 muhurumende itsva yaVaEmmerson Mnangagwa.
Muzvare Kirsty Coventry vakasarudzwa kuve gurukota rezvemitambo netsika muna 2018 muhurumende itsva yaVaEmmerson Mnangagwa.

Gore ra2018 rakave nekufara pamwe nekusuwa munyaya dzemitambo asi mafaro ndiwo aive akawandisa kudarika kuchema.

Muna Gunyana mhuri yemitambo muZimbabwe yakapemberera apo Muzvare Kirsty Coventry vakagadzwa segurukota rezvemitambo.

Vanotevera mitambo vanoti Muzvare Coventry vane ruzivo nezvemitambo sezvo chinzvimbo chavo chichida munhu akambopinda munhandare kutamba mutambo.

Muongorori wemitambo, VaFarai Kambamura, vanoti vari kutarisira zvakawanda kubva kuna Muzvare Coventry mugore idzva ra2019.

Mukuru wekumahofisi eZimbabwe Volleyball Association, VaMunyaradzi Zingoni, vanoti vari kutarisira kuti Muzvare Coventry achaita kuti hurumende ipe mitambo mari iyo iri kuvanetsa zvikuru apo vari kukwikwidza neve kune dzimwe nyika.

Kunyange hazvo gurukota rezvemari, Va Mthuli Ncube, vakapa bazi raMuzvare Coventry mari yekushandisa inoita iyo mamirioni makumi mashanu nematatu emadhora. Asi mari iyi haisi yemitambo chete, asi kuti inobatawo zvirongwa zvevechidiki nemagariro.

Muzvare Coventry vakaita rombo rakanaka apo vakapinda muhofisi panguva iyo chikwata cheZimbabwe chemutambo werugby chemaCheetahs chakaita mukurumbira nekutora mukombe weAfrica Cup.

Chikwata chaGilbert Nyamutsamba ichi chakarova Kenya 17-5 mumakundano akaitirwa kuTunisia muna Gumiguru.

Izvi zvakauya zvekare mushure mekunge chimwe chikwata chenyika chemutambo we netball muna Kubvumbi chakabudirira kuenda kumakundano e

2019 World Cup mushure mekukunda mumitambo yavo yese yemuAfrica kunze kwemumwechete.

Tisngakanganwe maChevrons ayo akarova Bangladesh nemaranzi 151 vachikunda mumutambo wemaTest kekutanga kwapera makore gumi nemanomwe vachikundikana.

Chikwata cheDavis Cup chakaitawo mashiripiti apo chakapunzira pasi Turkey 4-1 muHarare Sports Club mumutambo weEuro-Africa Zone Group Two.

Chikwata chenyika chenhabvu chema Warriors chakasvederawo pedyo nekubudirira kuenda kuma 2019 Africa Cup of Nations mushure mekupedza gore chiri pamusoro pegungano rezvikwata zvina.

MaWarriors akarova DRC kunze kwemusha 2-1 , ndokunoita mangange 1-1 neCongo Brazzaville vachizotevera nemamwe mangange 1-1 ne DRC muNational Sports Stadium asi vakazonorohwa 1-0 neLiberia.

Izvi zvasiya maWarriors aine mapoinzi masere achitungamira Liberia nepoindi imwe chete. DRC ine mapoinzi matanhatu kwasara mutambo mumwechete kuti makwikwi aya apere.

Congo Brazzaville ndiyo iri pasi pasi nemapoinzi mashanu.

Zimbabwe iri kufanira kungoita mangange neCongo Brazzaville mumutambo wavo wekugumisira muna Kurume kuti ibudirire kuenda kuma fainari

Murairidzi wema Warriors, Sunday Chidzambwa, anoona kunge vatove negumbo rimwechete kumafainari.

Achitungamirwa naChidzambwa, maWarriors akatora zvekare mukombe weCosafa Cup kwemakore maviri akateverana uyezve kechishanu kubvira makundano aya avambwa muna 1997.

Chikwata che FC Platinum ndicho chakatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League kwemakore maviri akateverana mutambi wavo Roodwell Chinyengetere achitora zvekare mukombe weSoccer Star of the Year mushure mekuita zvimwechetezvo muna 2017.

Mutambo wenhabvu wakave nesanduko mumutungmiri, mushure mekunge VaFelton Kamambo vakasarudzwa kutungamira Zifa vakunda VaPhillip Chiyangwa nemavhoti gumi nerimwechete musarudzo yakaitwa.

VaKamambo vari kuvimbisa huchi nemukaka.

Asi VaKamambo vane basa guru rekuedza kupedza chikwereti cheZifa chinonzi chave kusvika mamirioini masere emadhora uyezve rekutsvagira maWarriors mari yegadziriro yakasimba apo ari kusanga neCongo Brazzaville mumutambo uyo anofanika kukunda kuti aende kuma Africa Cup of Nations.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pakave zvekare neshanduko huru munyaya dzekurongwa kwemitambo yetsiva gore rino zvichitevera kupindira kwakaita veKolakoda Boxing Promotions naVa Stalin Mau Mau avo vanga vachironga mitambo.

VeKolakoda vakaronga mitambo miviri yaisanganisirawo vatambi vekune dzimwe nyika.

VaMau Mau vakarongawo mitambo yakarwirwa mabhande ese emunyika evarume neevamhukadzi zvinove zvekutanga kuitika zuva rimwechete muAfrica.

Asi murongi wemitambo ane mukurumbira uyu ari kuzhamba nenyaya yekushaikwa kwemakambani anovabatsira nemari vachiti makambani aya ari kusarudza mitambo ine chaunga chete.

Asi vatambi vakaita mashiripiti gore rino havasi kuwana ruremekedzo rwunowanzopihwa vatambi neveSport and Recreation gore rega rega zvichitevera kubuda kwakaita kambani yeDelta Beverages iyo inoisa mari mumaAnnual National Sports Awards.

Asi rakanga risingori gore rehuchi nemukaka chete zvichiburikidza nekushaya kwemutambi wetsiva ane mukurumbira Langton Schoolboy Tinago uyo akatisiya musi wa 16 Chikunguru.

Tinago akatora mukombe weCommonwealth katatu muhuremu hwakasiyana siyana pamusoro pekutora mikombe yemuAfrica zvekare, achikunda mumitambo makumi masere nemitatu, pamitambo zana neminomwe yaakarwa.

Murongi wemitambo yetsiva, VaHoward Mathonsi, vanoti vaiona Tinago ari munhu aive nemoyo monyoro, munhu aive asinganetse apo vaida vatambi vake kuti vakwikwidze mumakundano avaive varonga.

Chikwata chenhabvu chevanhukadzi chemaMighty Warriors chakatadza kuenda kuma 2018 Africa Women’s Championships mushure mekubuditswa munzira yekuendako neZambia nezvibodzwa.

Mutambi wemumo, Chamunorwa Gonerenda, uyo aive nabhande reWorld Boxing Federation reAll Africa rehuremu hwecrusierweight, akarasikirwa nebhande iri muna Gumiguru apo akashanya kuLagos, Nigeria, ndokunorohwa naTony Salam.

Chikwata cheDavis Cup chiri kuramba chiri muEuro-Africa Zone mushure mekudamburwa 4-1 nePoland masvondo mashoma shoma chichangobva kuzvambura Turkey 4-1.

Vateveri vechikwata chenhabvu chine mukurumbira Dynamos vanga vachimgochema gore rese apo chikwata chavo chaingorohwa seri neseri chikazopunyuka kubuda muPremier Soccer League vapa basa murairidzi mutsva, Lloyd Chigove, achitsiva Lloyd Mutasa.

Chigove anoti nyika yese irikufara nekupunyuka kweDynamos.

FC Platinum yakabuditswa munharaunda yekutanga yeCaf Champions League mushure mekurohwa pamusha nekunze ne Primeiro de Agosto yekuAngola.

Vatambi vemuno vemitambo yakasiyana vakafamba kune dzimwe nyika, vakadzoka vasina chavaive vakabata.

Asi zviri pachena kuti mitambo iri kuda rutsigiro rwakasimba kubva kuhurumende tichitarisa isu mitambo yakatarisana nezvikwata zvenyika pamwe nevamwe vatambi gore rinouya.

Chikwata che netball muna Chikunguru chichange chakananga kuLiverpool, England, kumakwilkwi eWorld Cup uko chiri mugungano rimwechete neAustralia, Northern Ireland, ne Sri Lanka.

Chikwata chemaWarriors chichange chakatarisana nemutambo mukuru neCongo Brazzavile musi wa 22 Kurume uyo uri kutambirwa muNational Sports Stadium.

Chikwata cheDavis Cup chichange chichirwira kupinda muEuro-Africa Zone Group One chakanangana nekudarikira kusvika muWorld Group.

Vatambi vetsiva avo vakatora mabhande emuZimbabwe vachange vachiedza kurwira kutora mikombe yeWorld Boxing Federation yemuAfrica mushure mekuvimbiswa mukana uyu gore rinouya

Tisingakanganwe vatambi vakawanda vemitambo yakaita sekarate, athletics, swimming, diving, avo vachange vakamirira nyika vachitarisira kuzoenda kumaOlympic Games muna 2020.

Vateveri vemitambo vari kutarisira kuti zvikwata zvenyika zvicharamba zvichisimudza mureza weZimbabwe mudenga gore rinouya sezvakaitika muna 2018.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG