Accessibility links

Breaking News

Mapurisa muSouth Africa Anorambidza Vanhu Kuratidzira paMuzinda weZimbabwe


Mapurisa muSouth Africa arambidza kuratidzira kwanga kwakaronga kuitwa pamuzinda weZimbabwe uri muPretoria.
Mapurisa muSouth Africa arambidza kuratidzira kwanga kwakaronga kuitwa pamuzinda weZimbabwe uri muPretoria.

Mapurisa emuSouth Africa neChishanu ashandisa mapara asingaurai pamwe nehutsi hunokachidza apo anga achiedza kuparadza vanhu vanopfuura mazana maviri, kusanganisira mhuri yeZimbabwe inogara munyika iyi, vange vaungana vachiratidzira pamuzinda weZimbabwe muPretoria.

Sangano rinozviti #Notinmyname, rinoti ratidziro iyi yanga iri yekuratidza rutsigiro rwayo kumhuri yeZimbabwe, iyo inonzi iri kushungurudzwa nehurumende inotungamirirwa naVaEmmerson Mnangagwa.

Asi kunyange hazvo sangano iri ranga riine mvumo yekuratidzira pamuzinda uyu, harina kukwanisa kusvitsa gwaro renyunyuto yezvarinoti zvakatarisana nemhuri yeZimbabwe kumumiriri weZimbabwe pamuzinda uyu mushure mekunge mapurisa aramba.

Mukuru wemapurisa anga ari panzvimbo iyi, audza vose vanga vachiratidzira kuti mutemo waive usingabvumidzi kuungana kwevanhu nekuda kwechirwere cheCovid 19.

Vamwe vevaungana vachiratidzirawo pamuzinda uyu vanosanganisira zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda muSouth Africa, nhengo dzemasangano arorwira kodzero dzavanhu, uyewo nenhengo dzemapato anopikisa hurumende.

Mumwe weavo vaungana pamuzinda uyu, VaMaxwell Tingozivei, vaudza Studio 7 kuti vanoda kuti VaMnangagwa vasiye chigaro nekuda kwekuti hurumende yavo iri kushungurudza mhuri yeZimbabwe.

Mumwe mudzidzi pachikoro chepamusorosoro cheUniversity of South Africa (UNISA), uyo aramba kudomwa nezita, anoti anodawo hupenyu hwakanaka mune ramagwana asi izvi hazvigoneke nekuda kwehutongi hwehurumende yeZanu PF.

Mumwewo weavo varatidzira arambawo zvakare kudomwa nezita, anoti ari kushungurudzwa zvikuru, nehurumende yeSouth Africa nekutadza kwayo kugadzirisa dambudziko rakatarisana nenyika yeZimbabwe.

Munyori mukuru musangano rinopikisa hurumende rePatriotic Front, kana kuti PF, VaAndrew Nyathi, vakurudzirawo hurumende kuti imise kushungurudza mhuri yayo.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Economic Freedom Front, kana kuti ZEFF, VaVimbai Mupunga, vanoti vanoshungurudzika zvikuru nekuti avo vanofanira kunge vari kutungamirira vanhu ndivo vari kuita mabasa ehuwori.

Mutauriri webato rinopikisa hurumende reMDC Alliance mudunhu reJohannesburg, VaInnocent Nsingo, vashora matanho atorwa nemapurisa emuSouth Africa ekurambidza vanhu kuti varatidzire.

Asi Mutauriri webato riri kutonga reZanuPF muSouth Africa, VaKennedy Mandaza, varumbidza mapurisa emuSouthAfrica nekutora danho rekurambidza vanhu vange vachiratidzira pamuzinda weZimbabwe.

Mumiririri weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, vaudza Studio 7 kuti vanga vasina ruzivo nezvehurongwa hwekuratidzira uhwu, naizvozvo, havakwanise kutaura nezvazvo.

Kuratidzira uku kunouya mushure mekunge mutungamiriri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vadoma nhumwa mbiri kuti dzivamiririre mukuedza kugadzirisa dambudziko rakatarisana neZimbabwe.

Vaviri vakadomwa ava ndaVaSydney Mafumadi, avo vaimbove gurukota rezvekuchengetedzwa kwerunyararo munyika pamwe naAmai Baleka Mbete, avo vakambove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika yeSouth Africa uyewo mutauriri wedare reparamende.

Mashoko aburitswa nehurumende yeSouth Africa anoti vaviri ava vari kutarisirwa kuenda kuZimbabwe mumazuva mashoma anotevera uko vanotarisirwa kunoita hurukuro nehurumende uyewo nemapato anopikisa.

Nyaya ina Moreblessing Munjoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG