Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakatiza Mhirizhonga muSouth Africa Zvogara muMakamba eMapurisa


Zvizvarwa zveSouth Africa zvichiba zvinhu kubva muzvitoro.

Mapurisa emuSouth Africa neSvondo akamanikidzwa kushandisa mabara asingauraye pamwe nehutsi hunokachidza mukuparadza zvizvarwa zvenyika iyi zvakanga zvatanga musindo muJohannesburg.

Izvi zvinotevera kukanganisa kwazvakanga zvaita musangano wakanga washevedzerwa nevaimbove mutungamiriri webato rinopikisa reInkatha Freedom Party, kana kuti IFP, VaMangosuthu Buthelezi, wekuedza kudzimura mhirizhonga iyi.

Mhirizhonga iyi inonzi yakasiyawo munhu mumwe chete afa uye vakawanda vakakuvara.

Zvinonzi vanhu vakatanga kuita ruzha apo VaButhelezi wakange votanga kutaura vachikurudzira kuti vanhu vamire kuponda vanhu, kupisa dzimba nemidziyo pamwe nezvitoro zvevekunze.

Vanhu vainge vauya pamusangano uyu, vanonzi vakanga vakatakura zvombo zvinokuvadza zvinosanganisira matemo, mapanga netsvimbo, izvo zvinonzi zvakazoshandiswa kupaza zvitoro pamwe nekutyisidzira vose vanobva kunze kwenyika.

Mapurisa anoti vanhu gumi nevatanhatu vakasungwa neSvondo mushure memhirizhonga iyi.

Nyaya ina Moreblessing Munjoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mhuri yeZimbabwe inopfuura mazana maviri inogara muSouth Africa inoti mhirizhonga iyi yave kuvagarisa senherera munyika umu nekuda kwekushungurudzwa pamwe nekupisirwa dzimba nemidziyo yawo.

Zvizvarwa izvi, izvo zvave kuchengetwa nemapurisa mumakamba, zviri kupomera muzinda weZimbabwe uri munyika iyi mhosva yekuvaregerera sezvo vasisina zvekudya, zvekupfeka, kana pekugara.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kugara pane imwe yemakamba aya inozi Tsoro, Muzvare Brenda Mverechena, vakaudza Studio 7 nezuro kuti vanhu vakawanda havachazive kuti voita sei.

Muzvare Mverechena vakakumbira veruzhinji pamwe nevemuzinda weZimbabwe kuti vavabatsire nezvipfeko, zvekudya, magumbeze, pekugara, mari yekudzokeresa kumusha uyewo nekuti vawane magwaro avo akatsva pakapiswa dzimba dzavo.

Muzvare Mverechena vakati mumiriri wenyika yeMalawi muSouth Africa akashanyira kamba iyi akavimbisa zvizvarwa zvenyika yake zvinosvika makumi mashanu, kuti hurumende yeMalawi ichazvibatsira kuti zvidzoke kumusha.

Chimwezve chizvarwa cheZimbabwe pane imwezve Kamba, Amai Thembelihle Mpofu, vakatsigirawo mashoko aya, vachiti hupenyu hwavari kurarama mumakamba aya, hunosiririsa.

Mumwewo mudzimai, uyo akaramba kudomwa nezita rake, akaudza Studio 7 kuti akatizirawo panzvimbo apa ashaya kwekuenda sezvo akange asingachazive kuti oita sei nehupenyu hwake.

Sangano rinomiririra vatyairi vemarori vekuZimbabwe muSouth Africa, reZimbabwe Truck Drivers Association, rakatumira nhengo dzaro kumakamba aya kuti dzinoongorora mamiriro ezvinhu, uyewo kuti dzione kuti sangano iri ringabatsirewo sei.

Mutauriri wenhumwa idzi, VaKevin Chikwengo, vakaudza Studio 7 kuti zvavakaona mumakamba aya zvinorwadza, naizvozvo hurumemnde dzeZimbabwe neSouth Africa dzinofanira kuona zvekuita nekukurumidza.

VaChikwengo vakati chinangwa chesangano ravo pari zvino ndechekuona kuti ringashande sei nezvizvarwa izvi kuitira kuti varerukirwe nemagariro avo.

Vakakurudzirawo hurumende, masangano akasiyana siyana pamwe nezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munyika iyi kuti vabatsire nepose pavanokwanisa kuti mhuri idzi dziraramewo hupenyu huri nani.

Kubva zvakatanga mhirizhonga iyi svondo rapera, kunofungidzirwa kuti kune vanhu vanodarika gumi vafa vanosanganisira zvizvarwa zveSouth Africa, asi pavanhu ava, hazvisati zvanyatsozivikanwa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvingani.

Mukuru wemuzinda weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, nezuro vakaramba mashoko ari kupomerwa muzinda wavo ekuti hurumende haina hanya nevanhu vari kutambura vachiti mutevedzeri wavo ari mubishi kushanyira nzvimbo yeKethlehong kuti azvionere pamhuno sefodya.

Vakaudza Studio 7 kuti muzinda wavo uchaita zvose zvinodiya pakuyamura mhuri yeZimbabwe iri mumakamba aya, kusanganisira vose vanoda kudzoka kumusha.

Vakatiwo hapana zvavati vaona kana kunzwa pamusoro pezviri kutenderera pamadandemutande maererano nevanhu vaviri vanonzi vakapondwa mambakwedza anezuro apo vainge vodzokera munzvimbo yeMandela kuti vanotora midziyo yavo.

Kunyange mapurisa achiti kune vanhu vashoma vakashaya mumhirizhonga iyi kubva zvayakatanga, vanhu vakawanda vekunze vanoti manyepo.

Kune vanhu vave kupfuura mazana vakasungwa panguva yemhirizhonga iyi vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga, kupamba, kuba, kupisa kana kupaza zvitoro nemidziwo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG