Accessibility links

Breaking News

South Africa Inotambira Nhomba Yayo yeKudzivirira Covid-19 Yekutanga


South Africa inoti inotarisira kubaya vanhi vanodarika miriyoni nhomba yeCovid-19.
South Africa inoti inotarisira kubaya vanhi vanodarika miriyoni nhomba yeCovid-19.

South Africa, iyo ine vanhu vakawandisa vafa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica, yatenga nhomba yekubatsira kudzivirira kupararira kwechirwere ichi, mushonga unosvika miriyoni imwe chete yenhomba uchipinda munyika iyi neMuvhuro.

Kupinda kwenhomba iyi muSouth Africa kunonzi kuchaona vashandi vari pamberi mukurwisana nechirwere ichi vanosvika miriyoni imwechete nezviru mazana maviri vachibaiwa.

Nhomba iyi inonzi yakagadzirwa nekambani yeAstraZeneca uye iri kubva kuIndia.

Gurukuota rezvehutano muSouth Africa, VaZweli Mkhize, vakatozivisa kluti nhomba iyi ichapiwa kuzvizvarwa zvenyika iyi chete.

VaMkhize vakaudza nhepfenyuro yeSABC kuti hurumeende yavo haina hudzamu hwekuti ibatsire zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvisina magwaro ekugara munyika iyi.

Panguva iyo South Africa yawana nhomba yayo yekutanga, hurumende yeZimbabwe yakazivisawo kuburikidza nemunyori mukuru mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga, avo vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti ine mari inosvika mamiriyoni zana emadhora ekuAmerica yakamirira kutenga nhomba.

Nyanzvi mune zvehutano uye vakambove gurukota revehutano uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance, Dr. Henry Madzorera, vanoti vanokorokotedza South Africa nekuve imwe yenyika dzemuAfrica kutanga kuwana nhomba iyi.

Asi Dr. Madzorera vanoti vanokurudzira kuti nyika iyi isave nerusarura pakupiwa kwenhomba iyi vachiti havaoni nyaya iyi seine huchenjeri sezvo ichitopikisana nekurudziro yekuti vana vemuAfrica vabatane.

Vanotiwo kusabaya vanhu vese nhomba kunoisa vanenge vakabaiwa ava munjodzi yekutapurirwa zvakare nevaya vanenge vasina kubaiwa nhomba iyi, sezvo vachizosara vaine hutachiwana uhwu.

Vanoti Zimbabwe inofanirwa kuzobaya vanhu vose vanenge vachigara munyika kana yobaya vanhu nhomba iyi, kusanganisira zvizvarwa zvekunze zvinenge zvichigara munyika panguva iyoyo.

Panyaya yekuti Zimbabwe ine mari inosvika zana remamiriyoni emadhora yekutenga nhomba, Dr. Madzorera vanoti kana ichi chiri chokwadi, idanho rakanaka chose rinofanirwa kutendwa, sezvo mari iyi ichikwanisa kutenga nhomba inogona kubaya vanhu mamiriyoni gumi.

Hurukuro naDr. Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG