Madzimai ari kushanya kuSouth Africa haasi kufara nekutorerwa mapiritsi ekuronga mhuri kwaari kuitwa nevashandi vanoona nezvekupinda nekubuda kwevashanyi muSouth Africa.
Madzimai aya anoti ari kubvumirwa kupinda nepakiti imwechete iyo inenge iyine mapiritsi anokwana mwedzi mumwechete.
Madzimai aya anoti izvi zvinoita kuti azopedzesera oshandisa mapiritsi ekuronga mhuri ekuSouth Africa ayo vakawanda vanoti anovarwarisa zvinosanganisira kubuda ropa kwenguva yakareba.
Amai Getrude Tarumbwa, avo vanodzidzisa kuPretoria, vanoti kurambidzwa mapiritsi akawanda anovakwanira kunozovamanikidza kunwa mapiritsi ekuSouth Africa ayo anovarwarisa, uye kubuda ropa rakawanda.
Amai Tarumbwa vanoti munhu anofanirwa kubvumirwa mapiritsi anoenderana nenguva yaanenge abvumirwa kugara muSouth Africa.
Izvi zvinotsigirwa naAmai Patricia Zuze, avo vanoenda kunotengesa zvinhu zvakaita semidziyo yemumba yakagadzirwa nemiti kuSouth Africa.
Amai Zuze, avo vanogara mwedzi miviri kana mitatu vachitengesa, vanoti kutorerwa mapiritsi kutyorerwa kodzero dzavo uye vanozomanikidzwa kunwa mapiritsi ekuronga mhuri ekuSouth Africa avanoti anovarwarisa.
Nekuda kwekurambidzwa kwemapiritsi akawanda pabhodha, mamwe madzimai ave kuita bhizinisi rekuenda nemapiritsi achinotengesera zvizvarwa zvemunyika zviri kuSouth Africa.
Pakiti rimwe chete, iro rinopihwa pachena munyika rinotengeswa nemari iri pakati pemaRands zana nemakumi mashanu nemazana maviri zvichienderana nekuti munhu ari kuatengesera kunzvimbo ipi muSouth Africa.
Amai Roselyne Chitani mumwe wemadzimai anotengesa mapiritsi ekuronga mhuri kuSouth Africa.
Vatyairi vemabhazi anoenda kuSouth Africa vanoyambirawo vanhu vavanenge vakatakura zvinhu zvisingabvumirwe kupinda munyika iyi kuitira kuti vasazobatwa vachinzi vari kutakura vanhu vanopinda nezvinhu zvisingabvumirwe.
Mutyairi webhazi reFirst Class, VaFrank Muguti, vachiyambira vashanyi vechidzimai kuti vasatakure mapiritsi ekuronga mhuri akawanda.
Zvinhu zvakaita semufushwa, manhanga, nzimbe muriwo hazvibvumirwe kupinda nazvo pabhodha. Munhu anowanikwa nazvo anotorerwa uye haazobvumirwa kupinda munyika iyi musi waanenge abatwa.
Munyori mubazi rezvehutano, Brg Gerald Gwinji, vanoti vachaongorora nyaya iyi vachiti hazvisi pamutemo kuti vanhu varambidzwe kana kuita zvinotadzisa kuti munhu atore mushonga wake sezvinenge zvataura chiremba.
Hatina kunzwa divi reSouth Africa panyaya iyi.
Facebook Forum