Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yavhara Mamwe Marezinesi Enzira Dzinofambisa Mari


Pane mifungo inopesana pamatanho akatorwa ekuvhara kuri kuitwa mamwe marezinesi enzira dzinofambisa mari, vachipomera mhosva yekuendesa mari pamisika mitema apo painonzi iri kutengeswa nemari iri pamusoro.

Vanhu vakawanda vanotengesa mari pamisika mitema vari kuvharirwa marezinesi avo ekufambisa mari vachishandisa nhamba dzenharembozha dzavakapihwa neEconet, idzo vari kunzi vari kushandisa zvisiri izvo.

Vanhu ava, avo vanozivikanwa sema ‘Agents’, vakapihwa nhamba dzenhare idzi kuti vapinze nekuburitsa mari kuvanhu vanenge vachida kutumira mari kuhama neshamwari, kana kubhadhara zvinhu muzvitoro nezvikwereti, asi ivo vanonzi vanga vave kushandisa mukana uyu kutengesa mari pamisika mitema.

Nekuda kwekuvharwa kwemitsetse iyi mutengo wemari nhasi pamusika mutema wanga yakadzika zvikuru.

Dhora rekuAmerica rainge rotengwa nemadhora gumi emari ye Bond Note asi richitengwa nemari inosvika madhora makumi maviri kana munhu achishandisa Ecocash kana kuti Transfer. Asi nhasi dhora rekuAmerica iri ranga rave kutengwa nemadhora gumi nematanhatu kana munhu achishandisa Ecocash, asi mumabhanga richitengwa nemadhora gumi nemashanu emari yemunyika.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaStewart Njanji, vanoti vanofara nekuvharwa kwemitsetse yekubhadharisa mari iyi vachiti zvanga zvoita kuti mari idhure pamusika mutema.

VaNjanji vanoti vanhu ava vanofanirwa kutorerwa marezinesi avo zvachose sezvo vari kuashandisa zviri kunze kwemutemo. Vamwe vacho vanonzi vari kupihwa mari nevakuru-vakuru vekumabhangi kana vezvematongerwo enyika, sezvo mari iri kutengeswa mumigwagwa yakawanda kudarika iri kumabhangi. Studio 7 haina kukwanisa kuwana humbowo huzere pamusoro pezvipomerwa izvi.

Asi mumwe anotengesa mari, VaTafadzwa Kureya, vanoti kuvhara mikana iyi hakusi kupedza dambudziko remari munyika.

Mumwe anotenga mari pamusika mutema anoda kuzivikanwa nezita rekuti Jah Bee anoti kuzotengesa mari neEcocash kunobhadhara sezvo ichizowana mari yakawanda kudarika akachinja achipihwa mabhondi.

Hatina kunzwa divi reEconet panyaya iyi asi mugwaro ravo ravakaisa padandemutande svondo rapera vakati mari iri kutengeswa haisi yavo, ivo vanongopa mukana wekuti vanhu vatumirane mari nekubhadhara zvavanoda.

Mugwaro ravaburitsa vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, vanoti nekuda kwekusashandiswa zvakanaka kwemitsetse yezvekufambiswa kwemari iyi, bhanga guru iri ravharisa hurongwa hwese hwekushandiswa kwenhare kana kuti cash-in, cash-out.

RBZ inotiwo hurongwa hwekuti munhu akatenga zvinhu muchitoro opihwa mari kana kuti cash-back hwavhariswawo.

Bhanga guru rakurudzira mabhangi nevose vanoita zvekubhadhara nemafoni kuti vaite zviri pamutemo mubasa ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG