Accessibility links

Breaking News

Va Solomon Tembo Vokwikwidza Chigaro chaMeya weAllentown


VaSolomon Tembo.
VaSolomon Tembo.

Vagari vemudhorobha re Allentown, mudunhu re Pennsylvania mu America, vari kuvhota neChipiri musarudzo yekutsvaga meya weguta iri.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri kukwikwidzawo musarudzo iyi, VaSolomon Tembo, vanoti vanovimba kuti vahakunda vamwe vana vavari kukwikwidzana navo.

Kunyange hazvo sarudzo dzatanga zvisina mutsindo nekuda kwevanhu vashoma vari kuenda kunovhota, VaTembo vanoti vane chivimbo chekuti vanokunda musarudzo iyi vachiti vakaita zvose zvinoita kuti vadiwe nevagari vemuguta ravo munguva yavaitsvaga rutsigiro.

VaTembo, avo vane makore makumi mashanu nemana ekuberekwa, vanoti guta ravo ranonokerwa neshanduko yavakavimbisa kana vakasarudzwa.

VaTembo, avo vasina bato riri kuvatsigira, vanoti kunyange hazvo vari kukwikwidzana nevamwe vane mapato ane mukurumbira muAmerica, havaoni izvi zvichiita kuti vakundikane sezvo chiri kusarudzwa apa ari munhu kwete bato.

Asi vanove meya pari zvino, VaEdward “Ed” Pawlowski, vebato reDemocratic Party, vanoti zvavaitira vagari vemuAllentown mumakore gumi nemaviri avanga vari meya zvikuru kwazvo zvekuti vanoona vachisarudzwa zvakare kechina.

Vari kutungamira chikwata chiri kutsvagira VaTembo rutsigiro, VaFrancis Mawindi, vanotiwo havaoni VaTembo vachitadza kubudirira sezvo vakavimbisa vagari kuti vachagadzirisa zviri kudzosera guta ravo kumashure, zvakaita sekushaikwa kwemabasa, kushaikwa kwepekugara pamwe nekuderedza huwandu hwemhosva dziri kuparwa muAllentown.

VaMawindi vanoti humwe hwehwaro hwekutsvaga rutsigiro hwaVaTembo hwaive hwekuvimbisa dzidzo kuvana vose zvisinei nekuti mwana wemurombo here kana kuti kwete.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinove zvakare mugari wemuAllentown, VaTendai Rukambe, vanoti naivowo vanoona bhiza ravo richitanga iro kusvika patambo, vachiti sevagari, vakaedza nhengo dzaibva kumapato makuru anoti Republican Party neDemocratic Party, asi hapana chikuru chavangati vakakohwa kubva mazviri.

VaTembo vanoti havaoni VaPawlowski vachisarudzwa nevagari sezvo vaine mhosva dzinodarika makumi mashanu dzavakatarisana nadzo dziri kumatare edzimhosva.

Asi ivo VaPawlowski vati havaoni izvi zvichivatadzisa kusarudzwa kuti vadzoke zvakare mudariro.

Vamwe vari kukwikwidza musarudzo idzi ndaVaJohn Ingram, vakazvimirira, pamwe naVaRay O’Connell vebato reDemocratic Party asi zita ravo richange risiri pamagwaro ekuvhotera, zvichireva kuti vanenge vachida kuvavhotera vanoita zvekunyora zita ravo pamagwaro ekuvhotera, kana kuti write-in candidate.

Guta re Allentown rakawambwa mugore ra 1762, uye pari zvino rine vanhu vanodarika zvishoma zana nemakumi maviri ezviuru.

Zvichabuda musarudzo iyi zviri kutarisirwa kuziviswa usiku hweChipirii, uye vanhu vamirira kuona kuti nderipi bhiza rinobudirira kudhonza makore mana achatevera richitungamira guta iri.

Nyaya Ina Jonga Kandemiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG