Accessibility links

Breaking News

Masoja Orova Nhengo dzeMDC-T kuChinhoyi


Soldiers are seen on the street in central Harare, Zimbabwe, Nov. 16, 2017.
Soldiers are seen on the street in central Harare, Zimbabwe, Nov. 16, 2017.

Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti vari kurohwa nemasoja vachinzi vakaendereyi kumusangano weMDC Alliance wakaitwa neSvondo kuChinhoyi kwakare.

Mumwe wevanhu vakarohwa nemasoja nemusi weChipiri ndiVaKelvin Mahwani avo vanogara mumusha unogara veruzhinji weCherima.

VaMahwani vanoti musoja akavarova ayivapomera mhosva yekufarira bato reMDC-T achiti ndivo vakakokera musangano wakaitwa neSvondo.

VaMahwani vanoti zviri kuitwa nemasoja zvinotyora kodzero dzavo dzekutsigira bato ravanoda.

VaMahwani vanoti mapurisa pari zvino vari kuedza nepavanokwanisa kuti nyaya yavo inzwikwe nemadzitare.

Mumwe mugari, VaTafadzwa Chatima, avo vakarohwa nemusoja wavanoziva vakaenda kunomhan'ara kumapurisa, vanoti masoja anogara munogara veruzhinji ave kushanda achiongorora vagari kuti vanotsigira bato ripi.

VaChatima vanoti masoja mana ari muwadhi mavo vanochityisidzira vagari vanotsigira mamwe mapato asiri bato reZanu PF.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Asi mutauriri wemasoja, VaAlfios Makotore, vati tivanyorere mibvunzo padandemutande ravo asi vanga vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Mumiriri weChinhoyi muparamende uye vari chiremba, Doctor Peter Matarutse, vabvuma kuti vaongorora kukuvara kwaVaMahwani.

Munyori mukuru mubato reMDC-T muChinhoyi, VaEdward Kadewere, vanoti vechidiki vebato iri vakambonetsana nemasoja apo vaikokera musangano wavo pachitoro chepaChengaose muChinhoyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG