Muimbi asingaoni ane mukurumbira muguta reGweru, VaJohn Madubeko, vanoti vafara zvikuru zvekubata denga mushure mekutambidzwa zvekuridzisa mimhanzi kubva kune mumwe mudzimai anove muzvinabhizimusi wemuguta reHarare asina kuda kudomwa nezita.
VaMadubeko, avo vanonyanyoridzira mumigwagwa yeGweru neKwekwe vaine mwanasikana wavo anemakore mashanu, Kholiwe, vanoti hupenyu hwavo hwashandurwa zvakanyanya nerubatsiro urwu.
Rubatsiro urwu rwauya zvichitevera imwe nyaya pamusoro paVaMadubeko nemwanasikana wavo yakaburitswa neStudio 7 mazuva mashoma apfuura, pamwe nevhidhiyo yavo vaine mwanasikana wavo yakatorwa naVaSam Ngoni Zaranyika mushure mekuvaona vachiridza muGweru, iyo inowanikwawo pamadandemutande eStudio7.
VaMadubeko, avo vane makore makumi mana nemasere ekuberekwa, vanoti vakaberekwa vachiona asi vakazorasikirwa nemeso avo vatokura. Asi vanoti mudzimai wavo akaberekwa asingaoni.
Muimbi uyu anoti anoridza misambo yerhumba nembaqanga, uye anoti nerubatsiro urwu ave kutsvaga zvimwe zvishoma zvasara zvakaita semagatare neamplifier kuitira kuti achibva mumigwagwa aridzirewo munzvimbo dzakasununguka, uye kuumba chikwata chekushanda nacho.