Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yosangana neDynamos neSvondo


FC Platinum
FC Platinum

Asi Dynamos inogona kuwira mumoto neSvondo apo iri kusangana nechikwata chiri kubhebha cheFC Platinum icho chisati chamborohwa kubvira mitambo yemwaka uno yatanga musi wa 5 Kubvumbi.

Chikwata cheDynamos chiri kutanga hupenyu hutsva chisina murairidzi wacho Paolo Jorge Silva uyo akadzingwa basa neChina chichitarisira kutanga hupenyu uhu chiri chihwiriri.

Asi Dynamos inogona kuwira mumoto neSvondo apo iri kusangana nechikwata chiri kubhebha cheFC Platinum icho chisati chamborohwa kubvira mitambo yemwaka uno yatanga musi wa 5 Kubvumbi.

Dembare neKugona Kunenge Kudada zviri kupinda munhandare zvekare zviine nhoroondo yakasiyana.

FC Platinum haisati yambokundwa mumutambo weligi kwegore rese, panguva iyo Dynamos iri kutambura zvekuti chikwata chine mukurumbira ichi chine mapoinzi mashanu chete kubva mumitambo mishanu.

Pamusoro pezvo, Dynamos ine murairidzi mutsva, Lloyd Mutasa, mushure mekudzingwa basa kwaSilva neChina, panguva iyo, Kugona Kunenge Kudada yave nemakore matatu iine murairidzi mumwe chete, Norman Mapeza.

Asi sachigaro wevatsigiri veDembare veDynamos Supporters Association, VaChristopher Mandizha, vanoti vari kutarisira zviri nani kubva kuna Mutasa sezvo vanga vasingafare nematambiro anga achiita chikwata chavo apo chairairidzwa naSilva.

Muongorori wezvemitambo, VaEvans Ngwere, vayambira FC Platinum vachiti ivo kakawanda kacho zvikwata zvinenge zvine varairidzi vatsva zvinowanzotanga nekukunda vachiti ivo semaonero avo Dembare irikukunda nekutora mapoinzi matatu.

Asi mumwe muteveri wenhabvu, VaDouglas Pemhiwa, vanoti FC Platinum iri pamberi mberi peDynamos vachitarisa mawaridziro avari kuita mutambo pamwe nemarovero avari kuita zvikwata zvavari kutamba nazvo.

Asi munhu akanyanyomerwa nemutambo uyu zvikuru ndiMutasa uyo ari kutarisira kuti akunde kuti apihwe basa rakasiiwa naSilva iro akafanobata kwenguva pfupi.

Zvakamira zvakadai, chikwata chiri pamusoro petafura cheCaps United chakananga kuBulwayo uko chiri kusangana neHow Mine iyo iri kurairidzwa naKelvin Kaindu.

MaGreen Machine haasati akundwa gore rino asi mutevedzeri wemurairidzi wechikwata ichi, Fungai Kwashi, anoti mwaka uchiri muchena zvekuti vari kungovimba kuti zvinhu zvinoramba zvakadai vatorewo mukombe.

Highlanders, iyo yave pachinhanho chechina yakananga kuSelous kuBaobab Stadium uko iri kusangana neNgezi Platinum Stars.

Harare City ine Tsholotsho Pirates muRufaro Stadium panguva imweteyo Border Strikers iri kutarisira mapoinzi ayo ekutanga apo iri kubandana neHwange.

Zvikwata zviviri izvi zviri kutatarika.

Mutare City iyo yavewo nemapoinzi matanhatu ayo yakatora pamusha haisi kutarisirwa kubuda nemamwe muNyamunga Stadium umo iri kutamba neZPC Kariba panguva imwecheteyo Bulawayo City irikutarisira mamwe mapoinzi matatu kubva mumaoko eChapungu.

Zvakamira zvakadai.

Chikwata chenyika chenhabvu chevanhukadzi chemaMighty Warriors chiri muSouth Africa mukuwedzera mwando hwegadziriro yavo yema2016 Olympic Games apo chiri kutamba neBanyana Banyana.

Mutambo uyu wakatsvuka ropa sezvo veBanyana Banyana vari kugadzirirawo makundano mamwechetewo ayo asara mwedzi mitatu chete kuti asimudzire moto.

Vakapedza neBanyana Banyana, veZifa vakaronga kuti maMighty Warriors atambe zvekare neNew Zealand.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG