Accessibility links

Breaking News

Mutambi wemaWarriors, Jordan Zemura, Otadza Kubata Mutambo weKutanga kuAFCON neSenegal


Chikwata chemaWarriros chiri kupinda munhandare neSenegal neMuvhuro, mutambo uyo Zemura achange asimo.
Chikwata chemaWarriros chiri kupinda munhandare neSenegal neMuvhuro, mutambo uyo Zemura achange asimo.

Chikwata chemaWarriors chawirwa nerimwe dambudziko kwasara mazuva maviri chete kuti mutambo mukuru neSenegal utambwe.

Chikwata ichi charasikirwa nemutambi ari kubaka moto, Jordan Zemura weBournemouth kuEngland, uyo atadza kusvika paine nguva kuti atambe mutambo mukuru uyu.

Maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, vazivisa kuti Zemura achasvika muCameroon neMuvhuro kana neChipiri svondo rinouya panguva iyo mutambo wakakosha uyu unenge watotambwa.

Zemura aitarisirwa kupinda mukamba achibatana nevamwe vatambi kubva neMuvhuro asi izvi hazvina kuitika.

Murairidzi wemaWarriors, Norman Mapeza, ave kumanikidzwa kusandura mamiriro echikwata chake sezvo Zemura aitarisirwa kusimudza matambiro echikwata ichi.

Zemura ari pavatambi veBournemouth vakawirwa nedambudziko rechirwere cheCovid-19 svondo rapera apo vaida kutamba nePeterborough, mutambo uyo wakazomiswa.

Asi VaMpandare vanoti vane chivimbo chekuti Zemura achange ave mukamba apo Zimbabwe iri kupinda munhandare zvekare neMalawi musi wa 14 Ndira.

Kunze kwaZemura, VaMpandare vanoti vatambi vese vave mukamba uyezve hapana akakuvara.

Vanoti mukamba umu mune manyuku-nyuku mushure mekunge vatambi vakatambidzwa imwe yemari yavakavimbiswa neSport and Recreation Commission iyo yakauya zvekare iri musvo.

Kunze kweMalawi neSenegal, Zimbabwe ine Guinea zvekare mugungano reGroup B.

MaWarriors ari kuda mapoinzi mana kubva mugungano iri kuti akwanise kuenderera mberi nemakundano aya.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG