Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheNyika chemaWarriors Chinobudirira muMakwikwi eCHAN


Chikwata chemaWarrior chevatambi vemuzvikwata zvemunyika chakabudirira kuenda kumafainari eCHAN kuCameroun gore rinouya.
Chikwata chemaWarrior chevatambi vemuzvikwata zvemunyika chakabudirira kuenda kumafainari eCHAN kuCameroun gore rinouya.

Chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors chabudirira kuenda kumafainrai e 2020 Africa Nations Championships (CHAN) asi paine mibvunzo iri kusimudzwa nekuda kwekusimba kwacho.

Chikwata ichi chakaita mangange 0-0 neLesotho muMaseru neSvondo ndokubudirira kuenda kuma fainari e 2020 Africa Nations Championships (CHAN) ayo achaitirwa kuCameroon muna Ndira wegore rinouya.

Izvi zvakasiya maWarriors achitungamira 3-1 kubva mumitambo miviri mushure mekunge Zimbabwe yakakunda 3-1 mumutambo wekutanga uyo wakatambirwa muNational Sports Stadium masvondo maviri apfuura.

Asi vanotevera mutambo wenhabvu vanoti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuti chikwata ichi chikwanise kunokwikwidza zvine mutsindo kumafainari evatambi vanotambira zvikwata zvemunyika mavo chete.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti Zimbabwe inofanira kuita gadziriro yakasimba kana ichida kunotora mukombe uyu.

Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaObert Nzvenga, vanoti maWarriors anofanira kupihwa nguva yakareba vari mukamba kana vachida kusvika kuma kota fainari emakwikwi aya.

Kubvira makundano aya avambwa muna 2009, Zimbabwe haisati yambosvika muma kota fainari. Pese paaikwikwidza, maWarriors aingobuditswa munharaunda yekutanga.

Zvichakadaro, mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yakaenderera mberi kunyange hazvo chikwata chenyika ichi chaive nemutambo.

Mitambo yakawanda yaiveko yaive yezvikwata zvakatarisana nekubuda muCastle Lager PSL, mutambo mukuru uri uyo waive kuHwange Colliery pakati peHwange neHarare City.

Kunyange hazvo chikwata chake chakarohwa 1-0 mumutambo uyu, murairidzi weHwange, Nation Dube, ari kuramba kuti chikwata chake chichaenda kuDivision One panopera mitambo yemwaka uno.

Mimwe mitambo yaiveko mukupera kwesvondo yakapera seizvi..

Herentals 3 Black Rhinos 0

Mushowani 3 Triangle 1

TelOne 0 Chapungu 0

Yadah 3 Manica Diamonds 3

Zvikwata zvina zviri pasi pasi petafura ndeizvi.

TelOne 29 points

Hwange 28 points

Bulawayo Chiefs 28 points

Yadah 25 points.

Mimwe mitambo iriko neChitatu svondo rino apo Caps United iri kushanyira Chicken Inn kuBarbourfields Stadium, panguva iyo Dynamos ichagamuchira FC Platinum muRufaro Stadium.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG