Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeNhabvu Yodzokera kuRufaro Stadium Kutanga neMugovera


Caps United
Caps United

Nhandare yeRufaro Stadium iri kuvhurwa neMugovera mushure memwedzi misère yakavharwa.

Nhandare iyi yakapedzisira kushandiswa pakapera mitambo yenhabvu yemwaka wapera ichigadziriswa mushure mekubviswa kwehuswa hwemugadzirirwa.

Panguva iyi zvikwata zvakaita seDynamos, Caps United neHarare City zvanga zvichishandisa National Sports Stadium iyo yanga ichiremera veruzhinji nemhaka yekushandisa michovha miviri kusvikako.

Vamwewo vakaita seBlack Rhinos neYadah ndivo vanga vachisandisa Morris Depot Ground asi nhandare iyi idiki kana vachitamba nezvikwata zvinoteverwa nechaunga zvakaita se Caps United, Dynamos neHighlanders.

Asi izvi zviri kupera mangwana mushure mekunge anotaura akamirira Premier Soccer League, Muzvare Kudzai Bare, vazivisa ivo kuti mutambo weligi pakati peHarare City neCaps United wave kutambirwa muRufaro Stadium kwete kuNational Sports Stadium sezvavakange vambotaura.

Pamusoro pekutanga kunzwa huswa hwakaiswamo, zvikwata zviviri izvi zvine mutoro wakaoma sezvo zvichifanira kutora mapoinzi nekuti zvakamira pakaoma muhurongwa hweCastle Lager Premier Soccer League.

Pari zvino, Harare City iri pachinhanho chegumi neina, Caps United yacho yakatarisana nekubudiswa munhabvu yepamusoro soro.

Muzvare Bare vazivisa zvekare kuti Dynamos ichange iri muRufaro Stadium neSvondo mumutambo wayo neTriangle uyo inofanira kukunda mushure mekudamburwa 3-1 neFC Platinum pakati pesvondo.

Pakatamba maSugar Sugar Boys neDembare gore rapera zvikwata izvi zvakaita mangange 0 -0 munhandare imwe cheteyo.

Asi mumwe mutsigiri wemaGlamour Boys, VaMunashe Zita, vanoti ikozvino Dynamos inofanira kukunda.

Asi chikwata chiri pamusoro mumakundano aya cheNgezi Platinum Stars chingangowedzera mapoinzi ehutungamiri wacho apo chiri pamusha neHwange.

Ngezi yakaratidza kuti haisi kuita zvekutamba muchinangwa chayo chekutora mukombe weligi uyu apo yakarova chikwata chayiri kukwikwidzana nacho cheBlack Rhinos 4-2.

Murairidzi wechikwata chekuMhondoro Ngezi ichi, Tonderai Ndiraya, anoti chinangwa chavo ndechekuramba vachienderera mberi kusvikira vatora mukombe.

FC Platinum, iyo iri pachinzvimbo chechipiri nemapoinzi makumi matatu nemaviri, mapoinzi maviri pasi peNgezi Platinum Stars, yakananga kuBulawayo mangwana uko iri kunobandana neBantu Rovers muLuveve Stadium.

Mimwe mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League iriko yakamira seizvi..

Mugovera

Tsholotsho vs How Mine - Duviladzimu

ZPC Kariba vs Yadah - Nyamhunga

Svondo

Shabanie vs Highlanders - Maglas

Chicken Inn vs Bulawayo City - Luveve

Chapungu vs Black Rhinos - Ascot

Zvakamira zvakadai, chikwata chenyika chemutambo werugby maSables chichange chiri muHarare Sports Club mangwana mumutambo wavo wechina weAfrica Rugby Gold Cup Group 1A neTunisia.

MaSables arohwa mumitambo miviri, vakakunda mumutambo mumwechete, pamitambo mitatu yavatamba zvekuti vanofanira kurova Tunisia kuti varambe varimumakundano aya.

Makundano aya ari kushandiswa zvekare senzira yekuenda kuma 2019 World Cup zvekuti kutatarika kuri kuita maSables kune njodzi yekuti vangangotadza kuenda kugungano rezvikwata zvinorura mumutambo uyu pasi rese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG