Accessibility links

Breaking News

Zvikwata zveNhabvu Zvokweshana Mukupera kweSvondo


Chicken Inn v Dynamos

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kupinda munharaunda yechipiri muine mitambo yakawandisa muHarare.

MuHarare chete muchange muine mitambo mishanu, mitatu yacho mangwana sezvo zvimwe zvikwata zvekunze kweHarare zviri kutambira muguta iri mushure mekunge nhandare dzavo dzakanzi hadzikodzere kutambirwa nhabvu yepamusoro.

Mutare City Rovers iri kubva kwaMutare kuzotamba neChapungu muNational Sports Stadium muHarare.

Svondo rapera, zvikwata zvakaita seNitchrut ne Shabanie Mine zvakatambirawo kunze kwemusha asi zvikakunda izvo muongorori wemutambo wenhabvu, VaInnocent Mutena, vatsinhira kuti nhabvu hainei kuti muri kutambira kupi.

Mutambo pakati peMutare City Rovers neChapungu uri kutambwa nguva dzekudya dzemasikati sezvo nhandare iyi iri kushandiswa zvekare zuva rimwechetero nechikwata cheBlack Rhinos icho chiri kusangana neZPC Kariba.

Harare City ichange iri muRufaro Stadium neBulawayo City.

Herentals iri kutamba Highlanders muNational Sports Stadium neSvondo.

Ukuwo Dynamos iri pamusha neShabanie. Dembare yakarohwa 1-0 neChicken Inn svondo rapera.

Murairdzi weDembare, Lloyd Mutasa, anoti ane tarisiro huru gore rino.

FC Platinum iri pamusha muMandava Stadium neYadah.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:

Triangle United v Ngezi Platinum Stars - Gibbo

Bulawayo Chiefs v Caps United - Luveve

Zvichakadaro, chikwata chenyika chemaWarriors chiri kupinda munhandare yeLevy Mwanawasa Stadium muNdola, Zambia, neSvondo, chichiedza kutanda nyadzi apo chiri kusangana neAngola mumutambo wekugumisira mumakwikwi ezvikwata zvina.

Zimbabwe yakadamburwa neZambia mumutambo wavo wekutanga zvekuti iri kutarisira kukunda mumutambo uyu kuti isapedze iri pachinhanho chekugumisira mumakwikwi ayo, ari kusangana Zambia neSouth Africa mufainari.

Murairdzi wemaWarriors, Sunday Chidzambwa, ari kushandisa makundano aya kutarisa vatambi vaachada kushandisa mumakundano e2019 Africa Cup of Nations qualifiers umo Zimbabwe iri mugungano rimwechete neCongo DR, Congo Brazzaville, neLiberia.

Chikwata chimwe chete kubva mugungano iri ndicho chichaenda kumafainari ayo achaitirwa kuCameroon muna 2019.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG