Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeCLPSL Yotsiridza Chicken Inn neBlack Rhinos Dzichitarisa Kuva Pamusoro


Chicken Inn- Caps
Chicken Inn- Caps

Zvikwata zveChicken Inn ne Black Rhinos zvakatarisana nemukana mukuru wekuenda pamusoro petafura mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League.

Chimwe chezvikwata zviviri izvi chiri kuenda pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League kana chikakunda mumutambo wacho sezvo FC Platinum, iyo iri pamusoro, isina mutambo munyika svondo rino.

MaGame Cocks neChipembere vanokwanisa kuenda pamusoro pePure Platinum nepoindi imwe chete sezvo pari zvino, zvikwata izvi zviine mapoinzi makumi matatu, FC Platinum yacho iine mapoinzi makumi matatu nemaviri.

Asi Chicken Inn neRhinos hadzina mitambo yakapfava neMugovera sezvo MaGame Cocaks aine rwendo rurefu kuenda kuNyamhunga Stadium kunosangana naZPC Kariba, Rhinos yacho iri munzira kuenda kunosangana neHighlanders iyo isati yarohwa kubvira Mandla Mpofu atora basa rehurairidzi kubva kuna Madinda Ndlovu.

Mumwe muteveri wemutambo wenhabvu, VaJealous Muzhuzha, vanoti vari kuona Chicken Inn iri pamusoro petafura panopera mitambo yesvondo rino.

Asi mumwe muteveri weHighlanders, VaLawrence Hwekwete, vanoti havasi kunzwira tsitsi Chipembere vachiti ivo Rhinos inorara chete muBarbourfields neMugovera.

FC Platinum, iyo iri kuMalawi uko iri kumiririra nyika muCaf Champions League, ichatamba mutambo wayo neHarare City neChitatu.

Ngezi Platinum Stars, iyo iri pachinzvimbo chechishanu, haina mutambo zvekare asi ichatambawo neChitatu neTriangle iyo iri kutamba mutambo weCaf Confederation Cup mukupera kwesvondo.

Asi Caps United, iyo iri pachinzvimbo chechina, iri kunanga kwaRusape uko iri kusangana neManica Diamonds neSvondo, iyo ichangobva kutandanisa murairidzi wayo, Luke Masomere.

Dynamos, iyo iri kusimuka zvishoma-nezvishoma, iri muRufaro Stadium neSvondo neMushowani Stars, iyo iri kutatarika uyezve iri pachinhanho chegumi neshanu.

Dynamos iri pachinzvimbo chechinomwe.

Mimwe mitambo iriko neMugovera yakamira seizvi….

Yadah v Hwange

TelOne v Herentals.

Zvichakadaro, makundano eBarclays English Premier League ari kupfungaidza utsi svondo rino mutambi wemuZimbabwe, Marvelous Nakamba, achitarisirwa kutamba mutambo wake wekutanga apo chikwata chake chitsva, Aston Villa, chiri kushanyira Tottenham.

Nakamba, uyo aitambira Club Brugge yekuBelgium, akatengwa nemari inoita iyo mamirioni gumi nerimwe emapaunzi zvekuti ruzhinji rwemuZimbabwe rwuri kutasirra mutambo uyu zvakanyanya.

Nakamba, uyo akambotambira Bantu Rovers, inhengo yeZimbabwe Warriors.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi.

West Ham v Man City

Newcastle v Arsenal

Leicester v Wolves

Burnley v Southampton

Crystal Palace v Everton

Watford v Brighton

Bournemouth v Sheffield United

Man U v Chelsea

Tottenham v Newcastle

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG