Accessibility links

Breaking News

Caps United Yosanga neNgezi Platinum Stars muChibuku Super Cup


Caps United
Caps United

Makundano eChibuku Super Cup ari kupfungaidza utsi svondo rino paine mubvunzo wekuti ndiani achatora mukombe mukuru uyu pamwe nekumiririra nyika mu2018 Caf Confederation Cup.

Chikwata chine mukombe weChibuku Super Cup, cheNgezi Platinum Stars, chiri kutanga dziviriro yacho nemutambo wakaoma zvikuru muBaobab Stadium neSvondo apo chiri kubandana nemaGreen Machine eCaps United ayo ari kubhebha moto zvinotyisa.

Kunyange hazvo Madamburo ari pamusha, Makepekepe ari kudzirova kumba nekunze zvekuti mutambo uyu uri kutarisirwa kuratidza nhabvu yemhando yepamusoro soro sezvo Ngezi yacho ichinetsa kurova munhandare yayo yeBaobab iyoyi.

Svondo rino chete, Makepekepe arova Dynamos 1-0, neHwange 1-0, mumakundano eCastle Lager Premier Soccer League asi mumwe wevarairidzi wechikwata ichi, Fungai Kwashi, anoti chinangwa chavo ndechekutora mukombe weChibuku Super Cup nekuratidza veruzhinji kuti ndivo maCup Kings emuZimbabwe.

Asi sachigaro weMadamburo, VaJeremiah Getiseni, havasi kubvumirana naKwashi vachiti ivo Ngezi Platinum Stars yanga yakamirira mutambo uyu negumbo rimwe zvekuti vanonokerwa nekuzvambura Makepekepe.

Vanotora mukombe uyu vanomiririra nyika mumakwikwi eCaf Confederation Cup asi Makepekepe neMadamburo havasi vega vane tarisiro yekuita izvi sezvo FC Platinum iri kudawo mukana uyu apo iri kusangana neChapungu muMandava Stadium mangwana.

Kugona Kunenge kudada ndiyo yakarohwa neNgezi Platinum Stars mufainari gore rapera asi murairidzi wavo, Norman Mapeza, anoti mwaka nemwaka une zvawo achiti iye gore rino ringangove ravo.

Mumakundao mamwechetewo, Dynamos iri muRufaro Stadium neBulawayo City nesvondo.

Asi vaongorori vemutambo wenhabvu vayambira Dembare kuti isafarisise nekuenda kwavakaita pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League nezuro sezvo kuita izvi kune njodzi neBulawayo City.

Mitambo pakati peDynamos neBulawayo City inowanzobuditsa nhabvu inodakadza, tichitarisa kuti uyu mutambo wemukombe, pari kuratidza kuti pachabaka moto unotyisa.

Highlanders iri murwendo kuenda kuMandava Stadium uko iri kufanira kusangana neHarare City. Mutambo uyu waiswa kuZvishavane sezvo muBulawayo musiri kutambirwa nhabvu yezvikwata zvemuno nemhaka yemakundano eWomen’s Cosafa Cup ayo ari kupera neSvondo.

Mimwe mitambo yeChibuku Super Cup yakamira seizvi…..

Mugovera

Black Rhinos v Triangle - Rufaro

Chicken Inn v Yadah - Ascot

Svondo

How Mine v Bantu Rovers -Ascot

ZPC Kariba v Shabanie -Nyamhunga

Zvakamira zvakadai, chikwata chenhabvu chenyika chevanhukadzi chemaMighty Warriors chichange chiri muBarbourfields Stadium mumutambo wakaoma zvikuru wefainari yeCosafa Cup neSouth Africa, iyo vanowanzo remerwa nayo.

Asi maMighty Warriors ari kuratidza kuti ari pamberi mumutambo uyu mushure mekupinda mufainari nekuzvambaradza Kenya 4-0 panguva iyo South Africa yakatatarika nekuita mangange 3-3 neZambia ndokuzokunda nemapenareti.

MaMighty Warriors anofanira kuripa veruzhinji vanga vachiuya muhuhwandu hwavo kuzoona mitambo yavo nekutora mukombe uyu vachiteverawo zvakaitwa nemaWarriors ayo akatora mukombe mumwechetewo muna Chikunguru muSouth Africa.

Sithetheliwe Sibanda avaka chikwata chakasimba chevadiki nevakuru zvekuti ari kutarisira kuti Rutendo Makore achakanda zvekare zvimwe zvibodza pazvipfumbamwe zvaanazvo kare achitungamirira maMighty Warriors mukukunda.

MaMighty Warriors ndiwo ane mukombe uyu mushure mekurova South Africa muRufaro Stadium apo makwikwi aya akapedzisira kuitwa muna 2011.

Totarisa makundano eEnglish Premier League.

Chikwata chiri kutungamira makundano aya cheManchester City chiri kutarisirwa kutora mapoinzi ese matatu zvisina kushupikira apo chiri pamusha neCrystal Palace iyo irikutatarika zvikuru.

Manchester City yakaenzana pamapoinzi gumi nemaviri nevavakidzani vavo neManchester United asi Manchester City ingangowedzera hutungamiri hwavo sezvo pasina chivimbo kuti maRed Devils anonokunda apo vari kushanya kuSouthampton

Chelsea iyo yakatadza kurova Arsenal pamusha payo svondo rapera iri munzira kuenda kuStoke iyo isingaroveke zvekutamba pamusha

Mimwe mitambo iriko yakamira yakadai:

Leicester v Livepool

Arsenal v West Brom

Everton v Bournemouth

Brighton v Newcastle

West Ham v Tottenham

Swansea v Watford

Burnley v Huddersfield

KuSpain.

Mutambo mukuru uriko ndeuyo pakati peSevilla neAtletico Madrid idzo dzakateverana pahurongwa hwemamiriro etafura pari zvino pachinhanho chechipiri nechitatu.

Sevilla ine mapoinzi gumi nematatu, mapoinzi maviri pasi peBarcelona asi kukundwa kwavo kuEstadio Wanda Metropolitani mangwana kunoita kuti vadarikwe neAtletico iyo ine mapoinzi gumi nerimwe chete kubva pamitambo mishanu.

Real Madrid, iyo yakarohwa neReal Betis 1-0 pakati pesvondo, iri munzira kuenda kuAlaves asi Barcelona iri kutarisirwa kuwedzera mitambo yekukunda kwayo apo iri kushanya kuGirona iyo yakapinda muLa Liga mwaka uno.

Barcelona haisati yakundwa mumitambo mishanu yatambwa pari zvino, uyezve yatora mapoinzi ese gumi nemashanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG