Caps United neDynamos dziri panguva yakaoma mumakundano eChibuku Super Cup ayo ari kupinda munharaunda yepiri mangwana.
Zvikwata zviviri izvi zvakatarika mumitambo yazvo yekutanga ndokutora poindi imwe chete izvo zvakasiya hupenyu hwazvo huri pakaoma mumakwikwi aya.
Kukundwa kana kuita mangange zvekare kunosiya zvikwata izvi zvatarisana nekubuda mumakundano emukombe mukuru uyu.
Dynamos iri kusangana neYadah muNational Sports Stadium mangwana, Caps United ichizotevera neSvondo, apo iri kusangana neHarare City munhandare imwe cheteyo.
KuDembare, maziso ese ari pamurairidzi wayo, Tonderai Ndiraya, uyo akapihwa nguva nemari yekutenga vatambi vaanoda kusimudzira chikwata ichi.
Anoita zvekushambadza zita reDynamos, VaEmmanuel Matshinya, vanoti vateveri veDembare vari kutarisira zvakawanda kubva kuna Ndiraya zvichitevera mari yakabuditswa nechikwata chavo chichitenga vatambi vatsva.
Svondo rapera, Caps United yaive yakarohwa 2-0 neYadah ndokudzora kuita mangange 2-2.
Murairidzi wayo, Darlington Dodo, anoti anofanira kushandura maitiro kubva pamatambiro ayakaita neYadah.
Asi Black Rhinos, Chicken Inn, FC Platinum neHighlanders hadzina matambudziko kunge eDembare neMakepekepe.
Kugona Kunenge Kudada inowana tikiti rekuenda mumakota fainari kana ikarova Triangle mangwana.
Chikwata ichi chiri kubaka moto unotyisa chichitungamirwa naRodwell Chinyengetere pamwe naDonald Teguru.
Hondo yezvikwata zvemasoja iri muSakubva Stadium mangwana zvekare apo Black Rhinos iri kukweshana neCranbourne Bullets.
Mumwe wevatungamiri ve Rhinos, VaWellington Mabhinginye, vanoti vari kuda kutora mukombe uyu nekudzora Chipembere cha 1984.
Asi mutambo mukuru svondo rino ndeuyo uri kuBarbourfields Stadium neSvondo apo Chicken Inn iri kutamba neBosso.
Vavakidzani vaviri ava vari kubvira moto zvekuti veruzhinji vari kutya kudoma chikwata chavanofunga kuti chichakunda.
Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:
Bulawayo Chiefs v Bulawayo City
Ngezi Platinum v Hwahwa
Tenax v Manica Diamonds
ZPC Kariba v Herentals
Makundano eChibuku Super Cup aya akatanga zvine mutsindo svondo rapera apo zvikwata zvakakanda zvibodzwa makumi maviri nezvishanu mumitambo mipfumbamwe.
Asi vatsigiri venhabvu havasi kubvumidzwa kupinda mudzinhandare nepamusana pemitemo inobata chirwere cheCovid-19 asi vachange vachiona mitambo iyi paterevhizheni nepamadandemutande.
Facebook Forum