Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheZimbabwe Warriors Chotanga Makwikwi eCosafa neMugovera


The Zimbabwe Warriors
The Zimbabwe Warriors

Chikwata chenyika chenhabvu chemaWarriors chasimuka chakananga kuSouth Africa kumakundano eCosafa.

Chikwata ichi chakatarisana nehondo mbiri mumakwikwi eCosafa Cup neye Africa Cup of Nations, ayo chinofanira kukunda zvine mutsindo kutanga neCosafa Cup neMugovera.

Pamusoro pekushandisa Cosafa Cup segadziriro yeAfcon, Zimbabwe inofanira zvekare kudzivivira mukombe uyu, uyo yakatora kechitanhatu gore rapera, ichitarisira kusimbisa zita rayo seshasha yenhabvu kuchamhembe kweAfrica zvekare gore rino.

Nemhaka yekushaikwa kwemari, Zimbabwe haina kukwanisa kuwana zvikwata zvekutamba nazvo mitambo yekuedzana masimba makundano eAfcon asati atanga zvekuti murairidzi wemaWarriors, Sunday Chidzambwa, ari kuti Cosafa ndiyo yatove nzira yekusimbisa chikwata chake.

Chidzambwa ari kudawo kuwedzera mbiri yake mumakwikwi eCosafa mushure mekuve murairidzi wekutanga kutora mukombe uyu kanokwana kana kubvira makundano aya avambwa muna 1997.

Chidzambwa akatora mukombe weCosafa Cup muna 2003, 2009, 2017 na 2018.

Vamwewo vatambi vemuZimbabwe saTendai Darikwa, Admiral Muskwe, naAlec Mudimu vari kudawo kuonekwa mumakwikwi eCosafa Cup aya ayo vaingonzwa nazvawo vasingazive kuti akamira sei.

Gore rino, Zimbabwe ine chikwata chakasimbisisa kudarika makore ese emakundano aya sezvo iri kushadisa chikwata chavo chiri kuenda kuAfcon kusanganisira vamwe vatambi vakaita sa Knowledge Musona, naMarvelous Nakamba.

Nhengo yeZimbabwe Warriors Fan Club, VaShingirai Miti, vanoti hapana kwikwidzo iripo kuCosafa nekuti mukombe uyu wagara uri weZimbabwe.

Akatora mukombe weCosafa, maWarriors ari kutarisra kudarika kekutanga kubva mugungano rawo kumakundano eAfcon ayo ari kusangana neEgypt mumutambo wawo wekutanga.

Mutambi wechikwata ichi, Ronald Pfumbidzai, anoti havasi kuenda kuEgypt kunowedzera zvikwata zvinenge zviriko.

Zimbabwe iri mugungano regroup A neEgypt,Democratic Republic of Congo ne Uganda umo maneja wema Warriors, VaWellington Mpandare, vane chivimbo chekuti vanobudamo.

Zimbabwe iri kusimuka kubva muSouth Africa panopera makundano eCosafa musi wa 8 Chikumi yakananga kuNigeria munzira yayo yekuenda kuAfcon kuEgypt.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG