Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZimbabwe Warriors Vofarira Chikwata Chavo Icho Chakakunda Zambia


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Vateveri vechikwata chemaWarriors vari kunyemwerera kekutanga mushure memwedzi mishanu vachingochema asi murairidzi wachikwata, Joey Antipas, achiti haasi kuziva remangwana rake sezvo apedza mitambo yaakasainirana nesangano rinomirira nhabvu munyika.

Vateveri vechikwa ichi havana kubvira vaziva chinonzi mufaro kubvira musi uyo chikwata chavo chakasimuka kuenda kuma 2019 Africa Cup of Nations uko chakanonyadzisa nekudzoka nepoindi imwe chete uyezve chazvambaradzwa 4-0 neDemocratic Republic of Congo.

Izvi zvakateverwa nekutatarika kunotyisa apo maWarriors akasangana neSomalia mumakwikwi e 2022 World Cup uyo akakunda asi zvekutamburira nechikwata chisina mukurumbira ichi.

Ndokuzouya mutambo weChishanu svondo rapera apo Zimbabwe yakatadza kurova Botswana pamusha muNational Sports Stadium mumutambo uyo yaitarisirwa kwete kukunda chete asi kubuda nezvibodzwa zvakawandisa.

Asi vateveri vemaWarriors havana kurasa chikwata chavo zvekuti kwaive nechaunga kumutambo weBotswana wacho, vamwe vacho ndokuperekedza chikwata ichi kuZambia neChipiri izvo zviri kufadza mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association VaChama Mushamaidze.

Zvibodzwa zviviri kubva kuna Khama Billiart zvakapa Zimbabwe kuti ikunde Zambia izvo zvakasimudza manyuku nyuka zvekare muvatsigiri vechikwata ichi.

Mutambo weZambia ndiwo waive wekupedzisira Antipas ari pabasa, asi chibvumirano chake neZimbabwe Football Association, Zifa, chichipera musi wa 31 Zvita.

Zimbabwe haina mumwe mutambo musi wa 31 Zvita usati wasvika.

Antipas audza Studio7 kuti zvava kuZifa kuti inoda kuti arambe ari pabasa here kana kuti kwete,uye iye akamirira kunzwa kuZifa kuti vataurirane remangwana ravo.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti Zimbabwe yakadadisa kuZambia zvekuti vari kuona ichitora chimwe chezvinzvimbo zviviri yezvikwata zvichaenda kumafainari eAfcon kubva mugungano iri.

Pari zvino, Zimbabwe iri pachinhanho chechipiri nemapoinzi mana, mapoinzi maviri pasi peAlgeria iyo iri kutungamira makwikwi aya asi iine mapoinzi matatu pamusoro peBotswana uyezve mapoinzi mana pamusoro peZambia iyo yarohwa mitambo yese miviri yayatamba.

Imwe nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaWonder Gombera, vanoti vari kufara zvikuru nezvaitwa nemaWarriors asi vachiwedzera ivo kuti vanotungamira nhabvu veZifa vanofanira kugadzirisa maitiro avo kuti zvinhu zvifambe kudarika pazviri ikozvino.

Maneja wechikwata ichi, VaWellington Mpandare, vanoti pamusoro pekubudirira kuenda kumafainari eAfrica Cup of Nations, vari kuda zvekare kunoita mashiripiti kumakundano eChan uyezve nekuenda ku 2022 World Cup.

Asi vaimbove mubati wepembe muPremier Soccer League, VaSam Hamandawana, vanoti chikwata chemaWarriors chave nevatambi vatsva vakati wandei zvekuti kwave kudiwa kutamba mitambo yehushamwari yakawanda kuti vatambi ava vajairane vakatarisana nemitambo inotevera.

Zimbabwe yabudirira kuenda kumafainari eAfrica Cup of Nations kanokwana kana, muna 2004, 2006, 2017 na 2019 asi panguva dzese idzi yanga ichingobuditswa munharaunda yekutanga.

Asi nzira ye 2021 Africa Cup of Nations yapfaviswa nemapoinzi matatu ayatora kuZambia.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG