Accessibility links

Ndiyani Achatora Mukombe waSoccer Star Gore Rino

  • Michael Kariati

FC Platinum

Vasarudzi veCastle Soccer Star of the Year vaungana muHarare vachisarudza vatambi gumi nemumwe chete vari kurwira kutora mukombe mukuru uyu.

Vatambi Ocean Mushure naChristian Epoupa veDynamos, Dominic Chungwa we Caps United, Rodwell Chinyengetere weFC Platinum naClement Matawu weChicken Inn - vapinda pavatambi gumi nemumwechete vari kurwira kutora mukombe weCastle Soccer Star of the Year wemwaka uno.

NgezI Platinum Stars ndiyo ine vatambi vakawanda pavatambi vasarudzwa ava vanoti Terence Dzvukamanja, Tichaona Mabvura, na Quadr Amini.

Vamwe vakwanisa kupinda pavatambi gumi nemumwechete ava ndiDominic Chungwa naDevon Chafa veCaps United.

Chicken Inn ina Moses Jackson naClement Matawu uyo akaita mukurumbira achitambira Motor Action nekutora mukombe waSoccer Star uyu muna 2006.

Soccer Stars of the Year pamwe nemurairidzi Coach of the Year, vachaziviswa pamwe nekupihwa mibairo yavo pamabiko ekupera kwegore achaitwa nevePremier Soccer League vakabatana nevanovapa mari veDelta Beverages.

Norman Mapeza weFC Platinum,na Lloyd Mutasa weDynamos ndivo vari kutarisirwa kurwira mukombe weCoach of the Year.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG