Accessibility links

Breaking News

PSL Yogadzirira Kutanga kweMitambo yeNhabvu


Soccer Ball

Sangano rePremier Soccer League rinoti riri kuunganidza vanhu vachabatsira zvikwata zvenhabvu kutevera zvinodiwa pakudzivirira chirwere cheCovid 19 mugadziriro yaro yekudzoka kwemitambo yenhabvu munyika.

Vanhu ava vachange vaine basa guru rekuona kuti zvikwata zvatevera zvinodiwa mukudzivirira kupararira kweCovid 19 panguva yavanenge vachiita gadziriro yavo pamwe nepamitambo.

Gwaro rabva kumukuru wekumahofisi esangano iri, VaKennedy Ndebele, rinoti vari kuunganidza vanhu vane ruzivo nezvinodiwa neWorld Health Organisation pamwe nebazi rezvehutano munyika kuitira kuti vavabatsire muhondo yavakatarisana nayo

Hurumende yakakomekedza vemitambo kuti vanofanira kutevera matanho ekudzivirira Covid 19 zvakadzama kana kuti mitambo iyi inomiswa zvekare.

Vemunhabvu, vakadarika danho rekutanga mushure mekunge vatambi vese vakanyoreswa nezvikwata vakaongororwa hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid 19.

Makundano enhabvu ari kutarisirwa kutanga musi wa 8 Chivabvu nemitambo yemukombe iyo ichaitirwa kuBulawayo, Harare, Mutare, pamwe neZvishavane.

Pari zvino, zvikwata zvese zviri mubishi regadziriro mushure mekutenga vatambi vatsva vekusimbisa zvikwata zvavo.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaKelvin Mushonga, vanoti vachitarisa zvakaitika pamusika wekutenga vatambi, makundano emwaka uno achanakidza zvikuru.

Makundano enhabvu ari kutanga musi wa 8 Chivabvu nemitambo yemukombe iyo ichaitirwa muBulawayo, Harare, Matare neZvishavane.

Varairidzi vezvikwata zviri muPSL vanoti vanonokerwa nemitambo kuti vatore mikombe ichange iripo.

Asi murairidzi weCaps United, Darlington Dodo, anoti matambiro achaita vatambi vake ndiwo acharatidza ega kuti vachamira papi pamujaho wemukombe.

Nhabvu muZimbabwe yakapedzisira kutambwa musi wa 16 Mbudzi, 2019, apo FC Platinum yakatora mukombe weligi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG