Accessibility links

Breaking News

Ngezi Platinum Stars Yotadza Kuita Zororo Rwendo Rwuno


Murairidzi wechikwata cheNgezi Platinum Stars, Tonderai Ndiraya, haasi kuenda kuzororo achiedza kugadzirisa chikwata chake kuti chisatorerwe mukombe weligi pamuromo sezvakaitika mwaka uchangopera.

Ndiraya anoti iye nevatevedzeri vake havasi kuenda kuzororo sezvo vari mubishi rekugadzirisa chikwata chavo kuti chisatorerwe mukombe weligi pamuromo sezvakaitika mwaka uchangopara

Ngezi Platinum Stars yakepedza iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi makumi matanhatu nemashanu, mapoinzi manomwe pasi peFC Platinum, uyezve mapoinzi mashanu pasi peDynamos, mushure mekumbotungamira makwikwi aya kwenguva refu.

Ndiraya anoti ikozvino vari pakati pekugadzirisa chikwata kwete chekutanga chete asi zvimwe zvikwata zvavo achiwedzera iye kuti gore rino havasi kuziva chinonzi kisimisi kana gore idzva sezvo vaine basa guru.

Ndiraya anoti ndangariro dzekuti vakatungamira makundano eligi kwenguva refu hadzisi kupera achiti iye varikurwadzikana zvikuru kuti vakazopedza vari pachinhanho chechitatu pamakwikwi aitarisika kunge ndivo vachatora mukombe.

Ndiraya anoti ari kuda kuchengetedza vatambi vaanga anavo mwaka uno achitarisira zvekare kuti achawana vamwe vatambi vekusimbisa Madamburo.

Ndiraya anoti kutamba muCaf Confederation Cup hakuna kuvakanganisa matambiro avo muPremier Soccer League achiti iye chave kudiwa ikozvino igadziriro yakasimba kuti vatore mukombe weligi uyo uri kuvatsvedza.

Gore rapera, Ngezi Platinum Stars, yakatora mukombe weChibuku Super Cup.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG