Accessibility links

Breaking News

Shasha dzeNhabvu Dzekare Dzofadza Vanhu kuNational Sports Stadium


Vanofarira nhabvu vakave nenguva inodakadza apo maBarcelona Legends akaratidza zvidavado muNational Sports Stadium.

Vateveri venhabvu vanodarika zviuru makumi mana vakave nezuva rinodakadza muNational Sports Stadium neSvondo apo vatambi vaimbotambira Barcelaona maBarcelona Legends akaita mangange 2-2 nemaZimbabwe Legends mumutambo wakanakidza zvikuru.

Mutambo uyu wakaunganidza vedzimhuri, hama, neshamwari, kusanganisira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Phelekezela Mphoko, avo vakati mitambo yakadai inofanira kuramba ichiitwa sezvo ichibatanidza vanhu munyika.

Edelbert Dinha, uyo akambotambira Darryn T, Caps United nemaWarriors, akafadzwa zvikuru nechaunga chakauya kuzovaona vachitamba kunyange hazvo mazuva avo munhandare akasvika kumagumo.

Vakawanda vaive munhandare iyi vakabuda vachibvunza kuti vatambi vakaita saEdgar Davids, Johannes Ngodzo, na Ronald Sibanda vakaregedzerei nhabvu yepamusoro, sezvo kunyange vati kurei, vakaratidza zvidavado izvo vamwe vechidiki vasingakwanise kuita.

Patrick Kluivert ndiye akakanda zvibodzwa zvese zvemaBarcelona Legends, asi Zimbabwe yakaramba kunyadziswa pamusha payo ndokudzora nezvibodzwa zvakabva kuna Edward Sadomba na Zenzo Moyo.

Kaitano Tembo, uyo akambotambira Dynamos nemaWarriors, asi iko zvino ari mutevedzeri wemurairidzi weSupersport kuSouth Africa, anoti ari kufara zvikuru nekudzoka munhandare iyo inomuyeuchidza mazuva ake achitambira Dembare.

Vatambi veBarcelona Legends, avo vanosanganisirawo Rivaldo, Edmilson, Gianlucca Zambrotta, Ladovic Guili, na Rayco Garcia, vaenda kuVictoria Falls nhasi vachitarisirwa kusimuka muZimbabwe vakananga kwavanogara neChipiri.

NeMugovera, chikwata ichi chakarova ma‘football legends’ ekuMozambique 1-0 muMaputo.

NeMugovera wakare, chikwata cheHarare City chakatora mukombe weChibuku Super Cup mushure mekurova How Mine 3-1 mumutambo wakaunganidza vanhu vashoma shoma kunyange hazvo mari yemubhadharo yaive yadzikiswa kusvika pamadhora maviri.

Mutambo uyu wakaonekwa nevanhu vasingasvike zviuru zviviri asi izvi hazvina kutadzisa Harare City kutora mukombe uyu mushure mekuwana zvibodzwa zviviri kubva kuna William Manondo nechimwechete kubva kuna Edwin Madhananga.

Kunyange hazvo Peter Moyo akadzora chimwe chete, izvi hazvina kubatsira vashanyi veHow Mine.

Murairidzi weHarare City, Pilani ‘Beefy’ Ncube, anotitaurira kuti pavakakundira How Mine ndepapi.

Mukutora mukombe weChibuku Super Cup uyu, Harare City yabudirira kumiririra nyika mumakundano eCaf Confederation Cup gore rinouya.

Mukuru wekumahofisi echikwata ichi, VaHope Chizuzu, vanoti kunyange hazvo zvehupfumi zvakaoma munyika, mari yekutamba muAfrica ichatsvagwa.

Aka kave kechipiri Harare City ichibudirira kukwikwidza muCaf Confederation Cup, mushure mekumboita izvi muna 2015.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG