Accessibility links

Breaking News

Caps United Yotenga Vatambi Vakawandisa


Caps United
Caps United

Chikwata cheCaps United chatenga vatambi vakawanda chaizvo kudarika zvikwata zvese munhoroondo yenhabvu muZimbabwe.

Mukepekepe akarwadzikana zvikuru nekutorerwa kwaakaitwa mukombe weCastle Lager Premier Soccer League pamuromo neFC Platinum mwaka wapera zvekuti ari kutenga vatambi pamadiro kuti izvi zvisaitike zvakare.

Pari zvino, Caps United yatenga vatambi vanosvika makumi maviri nevaviri izvo zvisati zvamboitika munhabvu yemuZimbabwe, uye inoti haisati yapedza kutenga vatambi,

Caps United yave nevatambi vatsva vanokwanisa kuvaka chikwata chinotamba mutambo, uyezve tikasanganisa nevatambi vakasara mwaka wapera, vanokwanisa kuvaka zvikwata zviviri kuchisara vamwe vatambi kunze.

Mitemo yePremier Soccer League inobvumidza kuti chikwata chega chega kunyoresa vatambi makumi matatu, vashanu vacho vari vechidiki.

Vamwe vevatambi vane mukurumbira vatengwa nemaGreen Machine vanosanganisira Leeroy Mavhunga naRichard Hachiro kubva kuHerentals, Tatenda Tumba naIshmael Wadi kubva kuHarare City pamwe naWallace Magalane kubva kuFC Platinum.

Asi Caps United ichiri kuda kuraura zvekare Ian Nyoni uyo anotambira Chapungu.

Mumwe miteveri wechikwata ichi, Muzvare Leslie Marufu, vanoti vafara nezviri kuitwa nechikwata chavo kutenga vatambi vatsva.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu, VaKevin Mushonga, vanoti vatambi vatsva vakawandisa, zvinokakanganisa muchina kunyatsoshanda.

MaGreen Machine, ayo aitungamira makwikwi emwaka wapera kwasara mitambo miviri, akazopedza ari pachinhanho chechitatu mushure mekurohwa mumitambo miviri yekugumisira neNgezi Platinum Stars pamwe neFC Platinum, iyo yakazotora mukombe uyu.

FC Platinum yacho yawedzerawo pavatambi vayaive navo mwaka wapera nekutenga vamwe vatambi vatsva gumi.

Asi chinangwa che FC Platinum ndechekuita zvakanaka mumakundano maviri eCastle Lager Premier Soccer League pamwe neeCaf Champions League.

Asi Dynamos ndiyo iri kutevera Caps United mukuunganidza vatambi mushure mekuraura vatambi vatsva gumi nevana, ichiteverwa neNgezi Platinum Stars iyo yatenga vatambi gumi nevaviri.

Murairidzi weDynamos, Tonderai Ndiraya, anoti ari kuda kuvaka chikwata chichakwikwidza zvine mutsindo mwaka uno.

Ndiraya ari kuenda kuBelgium uko ari kuendeswa neDynamos kunowedzera ruzivo rwake rwenhabvu.

Matengerwo ari kuitwa vatambi nezvikwata ari kuratidza kuti makwikwi emwaka uno achange achinakidza zvikuru.

Premier Soccer League haisati yazivisa kuti mwaka wenhabvu unotanga riini gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG