Accessibility links

Breaking News

Mitambo Yoenderera Mberi seMazuva Ose


Mitambo Yenhabvu Ichaenderera Mberi Svondo Rino
Mitambo Yenhabvu Ichaenderera Mberi Svondo Rino

Mitambo yenhabvu iri kuenderera mberi kunyange hazvo munyika musina kumira zvakanaka.

Premier Soccer League inoti mamiriro akaita zvematongerwo enyika haasi kukanganisa mitambo yenhabvu iyo yainoti iri kuenderera mberi semarongero ayanga yakaita.

Izvi zviri kureva kuti mutambo wanga wakamirirwa neruzhinji pakati peFC Platinum neNgezi Platinum Stars uchange uriko munhandare yeMandava Stadium neMugovera apo zvichaonekwa kuti Ngezi Platinum ichirimo here muhondo yekurwira mukombe uyu.

Kwasara mitambo miviri, FC Platinum ndiyo iri pamusoro pemakundano aya nemapoinzi makumi matanhatu nematanhatu, mapoinzi maviri pamusoro peDynamos neNgezi zvichireva izvo kuti Madamburo akarohwa muMandava, pavo pekutora mukombe uyu papera.

Madamburo akarasa mapoinzi maviri apo vakaita mangange 2-2 neChicken Inn neChitatu musi uyo FC Platinum yakaenda pamusoro nekudambura Tsholotsho Pirates 1-0 zvekuti mumwe muteveri wenhabvu, VaTatenda Makazhu, vanoti vachitarisa matambiro akaita Kugona Kunenge Kudada neTsholotsho, FC Platinum inorova Ngezi.

Pamakore maviri apfuura, FC Platinum yanga ichingopedza iri pachinhanho chechipiri asi ikozvino zviri kuratidza kuti gore rino ringangove ravo semaonero emurairidzi wavo Norman Mapeza.

Asi FC Platinum neNgezi dzikaita mangange kana kuti Ngezi ikakunda, zvinopa Dynamos mukana wekuenda pamusoro petafura ndokunge Dembare yarova Bantu Rovers sezviri kutarisirwa muBarbourfields Stadium neMugovera zvekare.

Asi Chicken Inn, iyo ine Chapungu mangwana, ine mutoro wakaoma pakutora mukombe uyu sezvo ichifanira kukunda mumitambo yayo miviri yasara kusanganisira uyo uri muLuveve Stadium neChapungu mangwana.

Panguva imwe cheteyo, chikwata chemauto cheZimbabwe National Army, cheBlack Rhinos, chiri pamusha muMorris Depot umo chiri kusangana neZPC Kariba neSvondo.

Pari zvino mauto aya ane mapoinzi makumi mana nerimwe chete asi murairidzi wechikwata ichi, Stanford Stix Mtizwa, anoti chinangwa chavo ndechekudarika mapoinzi makumi mana nematatu kuti varambe vari muPSL.

Pazvikwata zviri pasi, mutambo mukukutu uri kuColliery uko Hwange inofanira kukunda Black Rhinos kuti ikwire muhurongwa hwezvikwata gumi nezvisere izvi.

Chipangano chiri pachinzvimbo chegumi nenhanhatu asi kukunda kwavo kunovasiya vari pakanaka vakamirira mutambo wavo wekugumisira neZPC Kariba.

Asi kurohwa kweHarare City kunovasiya vatarisana nekumirira nyika vari muDivision One gore rinouysa mushure mekutora mukombe weChibuku Super Cup svondo rapera.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi .

Yadah v Highlanders

How Mine v Shabanie

Triangle v Tsholotsho

Caps United v Bulawayo City

Makundano eEnglish Premier League:

Mutambo mukuru mumakundano aya ndeuyo wezvikwata zvemuLondon, Arsenal neTottenham Hotspurs, uyo uri kutambwa panguva dzekudya kwemasikati.

Mutambo uyu uri muEmirates Stadium umo munoshandiswa neArsenal asi tichitarisa matambiro aikuita zvikwata zviviri izvi zvirikuratidza izvo kuti Spurs ingangokunda.

Tottenham iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi makumi maviri nematatu, mapoinzi masere pasi peManchester City iyo irikutarisirwa kutora mapoinzi ese apo iri kushanya kuKing Power Stadium kunobandana neLeicester.

Manchester United iyo iri pachinhanho chechipiri iri kusangana neNewcastle muOld Trafford.

Mimwe mitambo yakamira seizvi:

Bournemouth v Huddersfield

West Brom v Chelsea

Liverpool v Southampton

Burnley v Swansea

Crystal Palace v Everton

Brighton v Stoke

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG