Accessibility links

Breaking News

Vanoita zveMitambo Votaura Zvavachaita paKisimusi


Nyanzvi yemukombe weWBC Silver Welterweight Charles Manyuchi

Nguva yeKisimisi inguva yekuzorora asi veruzhiji vanoda kutora nguva iyi kuita zvakasiyana siyana.

Nguva yeKisimisi inguva yekuzorora asi veruzhiji vanoda kutora nguva iyi kuita zvakasiyana siyana.

Kune vamwe ichange iri nguva yekushanyira hama kumaruwa mushure mekupedza gore rose mumaguta.

Kune vamwewo ichange iri nguva yekushanyira vari kuchengetwa mudzimba dzevakarasikirwa nevabereki pamwe nekuvapa ruyamuro.

Asi kune vamwe, achange ari magariro emazuva ese.

Aya ndiwo mararamiro achange achiitawo vezvemitambo panguva yezororo yeKisimisi rino.

Anotaura akamirira veZimbabwe Football Association, VaXolisani Gwesela, vanoti vakananga kumusha kwavo kuZhombe uko vari kunosangana nehama dzavo vachigocha nyama yembudzi yavachauraya.

Mukuru wekumahofisi eZimbabwe Olympic Committee, Muzvare Anna Mguni, havana kunyanya kusiyana naVaGwesela muhurongwa hwavo.

Muzvare Mguni vanoti mushure mekumhanya mhanya gore rose, ino yave nguva yekuzorora.

Muzvare Mguni vanoti vari munzira kuenda kumusha kwavo kuChimanimai kunopemberera kisimisi nemhuri yavo yese kusanganisira vamwe vari kubva kunze kwenyika.

Izvi ndizvo zvakare zvichaitwa naVaGeorge Shaya avo vakatora mukombe weCastle Soccer Star of the Year kashanu vachitambira chikwata cheDynamos mumakore ekare.

VaShaya vanoti vachange vachipemberera vari pamba kana kushanyira hama neshamwari dziri pedyo navo.

Murairidzi weCaps United, Lloyd Chitembwe, uyo akatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League pamwe nemukombe weCoach of the Year, anoti ino inguva yekupemberera zvavakakohwa.

Asi mutambi wetsiva ane mukurumbira, Charles Manyuchi, uyo ane bhande resirivha reWorld Boxing Council muhuremu hwe welterweight, anoti kwaari haisi nguva yekuzorora.

Manyuchi anoti panguva ino achange achigadzirira zvakasimba sezvo ari kutarisira mutambo mukuru gore rinotevera apo ari kurwa naDanny Garcia wekuAmerica uyo ane bhande reWBC regoridhe.

Asi maneja waManyuchi, VaChris Malunga, avo vanove zvekare mukuru weOriental Boxing Promotions, vanoti vachatora nguva ino nevatambi vavo kushanyira nzvimbo dzinochengeterwa vakarasikirwa nevabereki vachivapawo ruyamuro rwavanokwanisa.

Munyori mukuru weZimbabwe Volleyball Association, VaRingisai Mapondera, vanoti hapana chinodarika mutambo wevolleyball paKisimisi.

VaMapondera vanoti vachange vakaungana nehama neshamwari pamba pavo muHarare vachitamba mutambo uyu mukupemberera kwavo nguva ino.

Vezvemitambo vari kupinda muzororo iri panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemari, dambudziko riri kuratidza kuti hurumende iri kukundikana kuri gadzirisa.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG