Vateveri vemaWarriors vanoti vachiri netariro yakasimba nechikwata chavo kuAfcon kunyange hazvo chakarasa mukana neUganda.
Kunyange hazvo vari kuchema mikana yakawanda yakatambiswa nechikwata chavo mukuita mangange 1-1 neUganda, vateveri venhabvu muZimbabwe vane chivimbo chekuti chikwata chavo chicharova DRC nekubudirira kuenda munharaunda yechipiri.
Zimbabwe yakatamba zvinodakadza nemaCranes asi vakatadza kukunda kuti vatore mapoinzi ese.
Asi mumwe muteveri wemutambo wenhabvu, VaSolomon Munashe, vanoti Zimbabwe ikadzokorora matambiro ayakita neUganda, inorova DRC nekuenderera mberi nemakwikwi aya.
Zimbabwe iri kuda kukunda DRC kuti ikwanise kupinda pazvikata zvina zvichapedza zviri pachinhanho chechitatu kuenda munharaunda yechipiri.
Muongorori wemutambo wenhabvu, VaLeopold Munhende, vanoti maWarriors anoziva zvavari kuda vachiti ivo vari kuona maWarriors achikunda
MaWarriors akadadisa musi uyo akavhura Afcon ndokurohwa 1-0 asi vakawedzera mwando nekuita 1-1 neUganda mumutambo uyo vaifanira kukunda.
VaMunashe vanoti murairidzi wemaWarriors, Sunday Chidzambwa, anofanira kugadzirisa kuvatambi vekumberi kuti vakunde.
Zimbabwe ikakunda DRC inokwanisa kuenderera mberi zvisinei nekuti Egypt ne Uganda dzatamba sei.
Zimbabwe iri kuda kekutanga kubvira muna 1980 kusvika munharaunda yeChipiri kuAfcon.
Facebook Forum