Accessibility links

Breaking News

Variridzi veNhabvu Vanoti Vakagadzirira Zvakakwana Kutanga Mitambo Iyi


Dynamos-v-Highlanders
Dynamos-v-Highlanders

Varairidzi vezvikwata zvenhabvu yepamusoro yePremier Soccer League, PSL, vanoti vagadzirira kudzoka kwemitambo zvekuti vatononokerwa nekutanga kwayo.

Varairidzi vezvikwata izvi vanoti vagadzirira zvakakwana zvekuti vatambi vavo vatomirira kupinda munhandare zvekare.

Murairidzi weDynamos, Tonderai Ndiraya, anoti gadziriro yavo yasvika pamusoro- soro zvekuti mhuri yese yeDembare yamirira kutanga kwemitambo iyi.

PSL yaronga kuti makundano eChibuku Super Cup adzoke musi wa 29 Gunyana, mitambo yeligi ichitanga musi wa 30 Gumiguru.

Murairidzi weBlack Rhinos, Hebert Marowa, anoti panguva yekumiswa kwemitambo vakapa vatambi vavo hurongwa hwegadziriro hwekutevera zvekuti vamirira mitambo yemakwikwi.

Black Rhinos iri mugungano rimwe chete neTenax, Manica Diamonds pamwe neCranbourne Bullets mumakundano eChibuku Super Cup.

Asi murairidzi weTriangle, Taurai Mangwiro, anoti iye nevatambi vake vari kuda kushandura matambiro avaiita mitambo isati yamiswa nemhaka yechirwere cheCovid 19.

Anorairidza Black Rhinos, Nesbert Saruchera, anoti sevanhu venhabvu vanokwanisa kupinda munhandare chero nguvavachikwikwidza zvakasimba.

Makundano eChibuku Super Cup akamiswa nehurumende muna Chikunguru zvichitevera kukwira kwehuhwandu hwevanhu vanga vachibatwa neCovid 19.

Asi hurumende kutanga kwemwedzi uno yakabvumidza mitambo yese kuti itambwe mushure mekudzikira kweCovid 19.

Murairidzi weHerentals, Kumbirai Mutiwekuziva, anoti zvasarira kwavari ivo varairidzi kugadzira zvikwata zvinokunda.

Chikwata chinotora mukombe weligi chinobudirira kumirira nyika mumakwikwi eCaf Champions League, chinhanho changa chiine FC Platinum gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG