Accessibility links

Breaking News

Mukombe weCastle Lager Challenge Wotsviriridza neMugovera kuMandava Stadium


Castle Lager Challenge ichatambwa pakati peHarare City neFC Platinum neMugovera.
Castle Lager Challenge ichatambwa pakati peHarare City neFC Platinum neMugovera.

Nzira dzese munhabvu dzichange dzakananga kunhandare yeMandava Stadium kuZvishavane uko mhuri yese yemutambo uyu iri kuungana neMugovera.

Mandava Stadium ichange ichitamba rwumbo rweCastle Lager Challenge pakati peFC Platinum iyo yakatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League neHarare City iyo yakatora mukombe weChibuku Super Cup kuona kuti shasha yenhabvu chaiyo yemwaka uno ndiani.

Zvikwata izvi zviri kurwira mari inoita iyo zviuru makumi mashanu zvemadhora zvekuti hapana chikwata chiri kuda kusiya mari iyi ichitsvedza vakanangana nezororo nekisimisi.

Asi Kugona Kunenge Kudada nemaSunshine City Boys ari kupinda mumutambo mukuru uyu vaine nhoroondo yakasiya.

Panguva iyo FC Platinum yakatora mukombe weligi, zvinhu hazvina kufamba zvakanaka kuHarare City iyo yakabuda muPremier Soccer League mushure mekupedza iri pachinhanho chegumi netanhatu mumakungano ezvikwata zvisere ePSL.

Muteveri wechikwata cheDynamos, VaShepherd Saizi, vanoti nhoroondo iyi inoita kuti FC Platinum itange iri pamberi mumutambo uyu.

Asi muteveri weCaps United, VaMusa Mashezha, vanoti semaonero avo mutambo uyu uchapera uri mangange Harare City yozokunda nemapenareti.

Kune dzimwe nyika mitambo pakati pezvikwata chinotora mukombe mukuru nechinotora mukombe weligi zvinosangana mumutambo wekutanga kwemwaka unoshevedzwa iwo kuti Charity Shield.

Asi vePremier Soccer League vakabatana nevanovapa mari veDelta Beverages vakawana zvakakodzera kuti mutambo uyu utambwe mwaka uchangopera kuitira kupa zvikwata izvi chekufarira mukupera kwemwaka.

FC Platinum neHarare City dzichange dzichimirira nyika muAfrica gore rinouya.

FC Platinum ichatamba muCaf Champions League, Harare City ichikwikwidza muCaf Confederation asi ichibva muDivision One.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG