Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu 22 Kurume, 2019


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti mauto achiri mubishi rekutsvaga mitumbi yevanhu vakashaya kunjodzi yedutumupengo kana kuti Tropical Cyclone Idai.

Sangano reInternational Organization for Migration rinoti huwandu hwevanhu vafa munyika kubva kudutumupengo Cyclone Idai hunosvika pamazana maviri nemakumi mashanu nevapfumbamwe.

Zimbabwe yotarisirwa kutanga mangwana kubatana mukuchema vanhu vakawirwa nedambudziko redutumupengo remhepo nemafashamu emvura kuManicaland neMasvingo.

Mutori wenhau achirwira kodzero dzevanhu, Zenzele Ndebele, omiswa pamberi pedarare kuBulawayo nhasi achipomerwa mhosva yekuwanikwa aine zvinofungidzirwa kuti zvombo, izvo zvinonzi zvakanga zvisingabvumidzwi.

Zimbabwe Warriors yombodziviswa kupinda muNational Sports Stadium umo vari kuita gadziriro yemakwikwi eAFCON neCongo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yematambudziko asangana nenyika nekuda kwedutumepengo Idai iro rauraya vanhu vakawanda kuManicaland neMasvingo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau, Chishanu Kurume 22, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG