Mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, vazivisa neChipiri kuti matunhu eHeadlands neHurungwe West haasisina vamiriri mudare reNational Assembly zvichitevera kudzingwa mubato reZanu PF kwakaitwa vaimirira nzvimbo idzi vanoti VaDidymus Mutasa naVaTemba Mliswa.
VaMudenda vati vakatambira tsamba musi wa19 Kukadzi kubva kumunyori wezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF yaivazivisa kuti vaviri ava vange vasisamirire zvido zveZanu PF mudare iri.
Vati danho ravatora rinoenderana nezvinodiwa nebumbiro remitemo iri rinoti, munhu anorega kuve nhengo yedare iri kana achinge arega kana kumiswa kuve nhengo yebato raaimirira apo akasarudzwa kuve nhengo yedare iri.
Vati kunyange hazvo VaMutasa vakanyorera kuparamende vachiti kudzingwa kwavo muZanu PF kwainge kuri kunze kwemutemo, izvi handizvo zvingavamise kudzinga vaviri ava mudare.
Vati chinodiwa chete pasi pemutemo kuti bato rivazivise sezvakitwa neZanu PF uye vati paramende ichanyorera kumutungamiri wenyika pamwe neveZimbabwe Electoral Commission ichavaturira kuti matunhu eHeadlands neHurungwe West haasisina vamiriri kuitira kuti kuzoitwa sarudzo.
VaMliswa vaudza Studio7 kuti havana chekutaura pari zvino uye hatina kukwanisa kutaura naVaMutasa kuti tinzwe divi ravo pane zvaitika.
Nyanzvi munyaya dzemutemo zvakare vari mudzidzisi pachikoro cheUniversity of Zimbabwe, VaLovemore Madhuku, avo vanotungamira bato reNational Constitutional Assembly, vanoti VaMutasa naVaMliswa vane zviviri zvavanokwanisa kuita.
Vati zviviri izvi kutambira zvaitwa nedare kana kuzvipikisa. VaMadhuku vanoti vaviri ava vane mukana wekubudirira panyaya iyi.