Vanorwira kodzevanhu muZimbabwe vanoungana kwaMutoko vachicherechedza zuva rekodzero dzevanhu pasi rose, re International Human Rights Day
Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, vanoendesa kumatare mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC, VaWelshman Ncube, vachida kuripwa mari inoita miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru zvemadhora, zvichitevera kubhadharwa kwakanga kwaitwa VaNcube segweta mari inoita mamiriyoni maviri nemazana mapfumbamwe ezviuru zvemadhora ekuAmerica muna Ndira gore rino
Musangano wepagore weZanu PF unotanga kuGoromonzi mubato iri zvinhu zvisina kumira zvakanaka.
Vakaremara vanoti hurumende inofanirwa kuvatsigira kuburikidza nekuvawanisa zvikwanisiro kuitira kuti varerukirwe nehupenyu hwavo.
Sangano rinokweretesa mari pasi rose, reInternational Monetary Fund, rinonzi harisi kufara nehurongwa hweZimbabwe zvekugadzirisa hupfumi hwenyika. Izvi zviri kubva kunyanzvi munyaya dzehupfumi dziri kuziva zviri kuitika musangano iri.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa nyaya yekodzero dzevanhu takatarisa zuva reInternational Human Rights Day.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum