Mhuri yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakashayikira kuSingapore svondo rapera, inoti inoda kuti VaMugabe varadzikwe kumusha kwavo kwaZimbabwe, izvo zvatsinhirwa nhasi nemuzukuru wavo, VaLeo Mugabe, kunyange hazvo kutaurirana nehurumende kuchiri kuenderera mberi.
Hurongwa hwekuchemwa kwaVaMugabe hunoshandurwa, nhasi mutumbi uchionekwa kuRufaro Stadium, uye uchizoenda kwaZvimba nemusi weSvondo mushure mekuonekana nevakuru vakuru vanobva kunyika dzakasiyana siyana nemusi weMugovera kuNational Sports Stadium.
Mutungamiri weBotswana otumira mutevedzeri wake kuti anomirira nyika iyi parufu rwaVaMugabe
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakashungurudzwa mumhirizhonga iri kuitika muSouth Africa zvotaura nhunha dzazvo
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa hupenyu nenhoroondo yaVaMugabe.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum