Hurumende yoronga kudzinga vanhu vose vakagara patsva mumapurazi mumakore a2005 zvichienda mberi.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vobatana mukuchema mumiriri weGlenView South Amai Vimbai Tsvangirai Java avo vakashaya nezuro kuchipatara cheWest End.
Vechidiki veMDC vanoti vari kuronga kuratidzira mwedzi uno wose nekusafara nemamiriro ezvinhu munyaya dzezvehupfumi.
Hurumende inoti iri kushushikana zvikuru nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi uye yatanga kupa vamwe vari mumaguta zvekudya.
Vakuru veZifa namaneja wemaWarriors vanoti Zimbabwe Warriors ine mukana wekuenda mberi kumakwikwi eAFCON kuEgypt.
Muchirongwa chevechidiki cheThe Connection na8pm nhasi tiri kutarisa nyaya yekuti vechidiki vangawane sei mabasa asi tichitarisa zvakanyanya munyaya dzekurima.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum