Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 21, 2019.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanodaidzira musangano kuState House wekuita nemapato ezvematongerwo enyika uyo uchaitwa mangwana.

Asi MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti haisi kuenda kumusangano wenhaurirano unodaidzirwa naVaMnangagwa ichiti haivacherechedzi semutungamiri wenyika

Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakabviswa pachigaro zvechisimba nemauto muna Mbudzi 2017, vasvitsa makore makumi mapfumbamwe nemashanu nhasi.

Vakaremara vasingaoni vokurudzira hurumende nemasangano akazvimirira kuvabatsira nemabhuku emhando rwe braille kuitira kuti vana vasingaoni vakwanise kudzidza.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya zvinoreva hurongwa hwemari hwakaparurwa nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Panonetsa Mangudya.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzozeya nhaurirano dziri kudaidzirwa nemutungamiri wenyika panguva iyo vemachechi vari kuedzawo kuronga nhaurirano pakati pemapato ezvematongerwo enyika.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zvinoreva hurongwa hwemari hwakatarwa nebhanga guru renyika nezuro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG