Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China, Zvita 27, 2018.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vagari vemuHarare votarisana nedambudziko remvura rakakurisisa zvisati zvamboitika zvichitevera kusviba zvakanyanya kwaita mvura yemunyanza ye Lake Chivero, iyo kanzuru yava kutadza kuchenesa.

Vanhu vakawanda munyika vochema-chema vachiti vari kurasikirwa nemari yakawanda zvikuru sezvo maForeign Currency Account avakavhuriswa nebhanga guru renyika ari kutadza kuti vatumire mari yekunze kune mamwe mabhanga munyika umo vari kuipihwa ari ma bond notes.

Varimi vakawanda vanoti gore ra 2018 ranga rakavaomera zvikuru vachiti dai zvinhu zvavanakira mugore idzva riri kutanga svondo rinouya.

Studio7 inotarisa zvakaitika munyaya dzemitambo gore rino umo maive muzere nemisodzi pamwe nemafaro.

Muridzi mutsva wemugodhi wegoridhe kuZvishavane, weSabi Gold Mine, odzinga vashandi vepamugodhi uyu mudzimba dzavagere.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika muzororo reKisimusi negore idzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau, China, Zvita 27, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG