Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu Zvita 26, 2018.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Zvinhu zvoramba zvichishatira varwere muzvipatara zvehurumende zvichitevera kusawirirana kuripo pakati pehurumende navana chiremba vemuzvipatara izvi.

Vari kunze kwenyika vakawanda vanotadza kuenda kumusha kuzororo reKisimusi vachiti kuoma kwezvinhu kumusha ndiko kwakavaodza moyo.

Vanhu vakawanda vanoshanyira mapako ekuChinhoyi pazororo reKisimusi asi vachiti mari iri kubhadhariswa munhu yemadhora mashanu kuti apinde kunoona Chinhoyi Caves, yakawandisa.

Varimi vakawanda votsamwiswa nehurumende zvichitevera kutara kwayakaita mitengo yezvirimwa zvavo vachiti hurumende haifanirwi kuita izvi nekuti vari kutenga mbeu dzezvirimwa izvi nemari iri pamusoro zvikuru.

Studio7 inotarisa zvakaitika muparamende gore ra2018 paine chinangwa chekuti gore rinouya nhengo dzeparamende idzi dzishande zvine mutsindo sezvinotarisirwa neveruzhinji.

Mumwe musoja aive pazororo anonzi akauraya vanhu vaviri kwaRusape.

Muchirongwa cheLiveTalk Diaspora Forum na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika muzororo reKisimusi pamwe nekutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau, Chitatu, Zvita 26 2018.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG